Mutungamiri wehurumende yeIsrael VaBenjamin Netanyahu vanoti vave pedyo nekubata mutungamiri wechikwata cheHamas VaYahya Sinwar.
Izvi zviri kuuya apo kurwisana kunotyisa kwaenderera mberi nhasi pakati pemauto eIsrael nechikwata cheHamas chinonzi nehurumende yeAmerica chinopfurikidza mwero. Kurwisana uku kuri kusiya vanhuwo zvavo vasina kwekupotera uye kwave kupa kuti sangano reUnited Nations rikundikane kuvabatsira nezvekudya nemishonga.
Vanhu vakawanda vanonzi vave kunopotera kuguta reRafah kunonzi ndiko chete kuri kutombosvika chikafu. Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guteress vaudza United Nations Security Council kuti matambudziko ari kusangana nevanhu vari muPalestine achapa kuti kuunza runyararo mudunhu reMiddle East kunetse. Vati kubhombwa kuri kuitwa nemauto eIsrael kuchapa kuti zvinhu zviende kumaware uye patoshaya kana chikafu chinosvika muGaza.
Vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazaba mapfumbamwe kana kuti 1,9 million vanonzi vamanikidzwa kuenda muhupoteri muGaza. Asi Israel iri kuti zviri kutaura naVaGuterress zvekuda kumbomisa hondo zvinongobatsira Hamas chete.
Israel yakatanga hondo iyi mushure mekunge Hamas yapinda muIsrael musi wa 7 Gumiguru ndokuuraya vanhu chiuru chimwe chete nemazana maviri, 1,200. Israel yauraya vanhu vemuPalestine zviuru gumi nezvitanhatu zvine mazana maviri nemakumi mana kana kuti 16, 240.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica uye vari nhengo yesangano re Concerned Zimbabweans vari zvakare muwongorori wenhau dzezve matongerwo enyika VaTim Muringai vanoti zvakakosha kuti nhaurirano dzerunyararo pakati peIsrael neHamas dzienderere mberi.
"Tinoshuwira kuti nhaurirano idzi dzienderere mberi kuitira kuti pave nerunyararo uye kuti hondo ipere pakati peIsrael neHamas kuitira kuti kurasikirwa kwehupenyu kwevanhu vasineyi nehondo kupere," VaMuringai vaudza Studio7.
Your browser doesn’t support HTML5