Bato reCCC Rotarisira Kuti Mazita eNhengo Dzaro Achange Ari paMapepa eKuvhotesa muBy-Election Sezvo Rakapikisa Mutongo weHigh Court

Nhengo dzeCCC dzakadzingwa muparamende naVaTshabangu.

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti riri kutarisira kuti mapepa ekuvhotesa kunzvimbo dzichaitwa sarudzo dzema by-election neMugovera achange aine mazita enhengo dzaro sezvo rakapikisa mutongo weHigh Court kuSupreme Court.
Bato iri rakapikisarichipikisa zvakaturwa nedare reHigh Court zvekuti nhengo dzaro dzakadzingwa nevanozviti ndivo munyori mukuru webato iri, VaSengezo Tshabangu, dzibviswe pamapepa ekuvhotesa.
Asi Zimbabwe Electoral Commission inoti yakatodhinda mapepa matsva ekuvhotesa asina nhengo idzi.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi muHarare, mutauriri weCCC, VaPromise Mkwananzi, vati vari kutarisira kuti ZEC haisi kuzobvisa nhengo dzavo pamapepa ekuvhotesa kwese kuchaitwa sarudzo idzi mangwana.
VaMukwananzi vati, “Taendesa mapepa edu kuZEC anotaridza kuti tirikupikisa mutongo weHigh Court zvichisendeka padivi mutongo wekuti nhengo dzedu hadzifanirwi kuva pabepa rekuvhota. Naizvozvo toda kuzivisa nyika kuti nhengo dzedu dziripamapepa ekuvhota nekudaro vanhu vabude muhuwandu hwavo kunovhotera nhengo idzi."

VaPromise Mkhwananzi veCC.

Asi mutevedzeri waSachigaro veZEC, VaRodney Kiwa vaudza Studio 7 kuti vatodhinda mapepa ekuvhotera matsva achashandiswa mangwana asina nhengo dzeCCC idzi. Vatiwo mapepa ekuvhotera aya atoendeswa kunzvimbo dzose dzichaitwa sarudzo idzi mangwana.

VaKiwa vati, “ Maballot papers edu atove kunzvimbo dzese dzinesarudzo saka zvese zvakarongeka kuti tiite sarudzo mangwana.”

Kunyangwe hazvo pamutongo wakabuda nezuro vari kukwikkwidza vakamirira CCC kuMabvuku-Tafara, VaMunyaradzi Febion Kufahakutizwi, zita ravo rakange risipo pavanhu vari kunzi vasakwikwidza sezvo vakadzingwa naVaTshabangu, mutongo uyu wagadziriswa nhasi nedare reHigh Court zita ravo rikawedzerwa pavanhu makumi maviri nevaviri vaivepo nemusi weChina.

Izvi zvave kureva kuti VaKufahakutizwi havachakwinisi kukwikiwdzana naVaScott Sakupwanya veZanu PF.

VaTshabangu vanogarotaura kuvatori venhau kuti VaKufahakutizwi vaisafanirwa kudzingwa kudare reNational Assembly vachiti vakadzingwa nemhosho yakaitika inofanirwa kugadziriswa.

Vanotungamirira nyaya dzekugadzirira sarudzo muCCC, VaIan Makone, avo vakadzingwawo pachigaro chameya weHarare, vati vari kushamiswa kuti kunyangwe kuMabvuku-Tafara, nhengo yavo VaKufahakutizwi vasangana nedambudziko rekurambidzwa kukwikwidza.

VaMakone vati vanhu vekuMabvuku-Tafara sevamwe vose kumatunhu kune sarudzo mangwana, vanofanirwa kupiwa mukana wekutsvaka mumiririri wavanoda.

VaMakone vati, “Kana vachinge vaita saizvozvo zvinopinda pakupikisa mutongo kwataita kuti ikodzero dzavo kuti vange vachivhoterwa mangwana uye ikodzero yevanhu vekuMabvuku kuti vave vachivhotera munhu wavanoda.”

VaFebian Munyaradzi Kufahakutizwi.

Gweta raVaSengezo Tshabangu, VaNqobani Sithole, nezuro vakaudza Studio 7 kuti kunyangwe hazvo dzimwe nhengo dzeCCC dziri kupikisa kudare repamusorosoro mutongo weHigh Court uyu, hazvibvisi mutongi uyu. VaSithole vati, “Hazvimisi mutongo uripo. Mutongo uripo unoenderera mberi kureva kuti sarudzo dzamangwana dzinoenderera mberi kusvika Supreme Court yataura mutongo wayo.”

Asi gweta uye vari sachigaro veZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vaudza Studio 7 kuti zvichitariswa mutemo uye matongerwo akamboitwa dzimwe nyaya kumashure, kana mutongo wapikiswa kudare repamusoro, mutongo unenge wapiwa nedare repasi unombosendekwa.

VaMakoni vati, “ZEC haisi dare remhosva saka inofanirwa kutevedzera mutemo uripo saka mafungiro angu ndeekuti veCCC vanga vabviswa pamapepa ekuvhota pavakangopikisa mutongo, sarudzo dzofanirwa kuitwa mazita avo aripo nekuti zvave kukanganisawo avo varikunovhota nekuti havachazivi kuti voenda kunovhota here kana kwete. “

Nyanzvi mune zvesarudzo uye vari mukuru wesangano rakazvimiririra re Zimbabwe Election Advocacy Trust, VaIgnatious Sadziwa, vati zviri kuitika izvi kumbunyikidzwa kwekodzero dzevavhoti.

VaSadziwa vati, vavhoti vanodzvinyirirwa zvakanyanya nekuti zvido zvavo zvinenge zvichimbunyikidzwa saka tinongodzokera pakuti hurumende iriko inombunyikidza vanhu haisi hurumende yevanhu. “

Sarudzo dzamangwana dziri kuitwa kusarudza nhengo dzeNational Assembly mumatunhu mapfumbamwe anoti mabvuku-Tafara, Binga North, Lupane East, Cowdray Park, Bulawayo South, Lobengula Magwegwe, Beitbridge West, Nketa neMpopoma–Mzilikazi, nemakanzuru gumi nemana.

Kunyangwe hazvo CCC ichiti zviri kuitika izvi mabasa ebato reZanu PF, bato riri kutonga rinogarotaura haro kuti harineyi nechekuita nezviri kuitika mubato rinopikisa iri uye zviri kuitika kumatare edzimhosva.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Rutendo Mawere