Sarudzo dzemaBy-Election Dzinoenderera Mberi Mazita eNhengo dzeCCC Dzakasainirwa Mapepa naVaChamisa Asiri paMapepa eKuvhotesa

  • Jonga Kandemiiri

Sarudzo dze by-election muBulawayo.

Sarudzo dzema by-election dzedare reNational Assembly mumatunhu masere pamwe nedzemakanzuru mumawadhi masere dzaitwa nhasi mumatunhu ari muBulawayo, Beitbridge neBinga dzinonzi dzafamba zvakanaka kunyange hazvo vanhu vabuda kunovhota vachinzi vanga vari vashoma zvakanyanya pane zvanga zvichitarisirwa.

Sarudzo idzi dzakauya mushure mekudzingwa kwenhengo dzeparamende pamwe nemakanzuru dzebato guru rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri, VaSengezo Tshabangu, vachiti dzakaita kugadzikwa nehutungamiri kuti dzikwikwidze musarudzo dzaNyamavhuvhu idzo dzisina kunge dzakasharwa neveruzhinji.

Nhengo dzeCCC dzakasainirwa mapepa ekukwikwidza naVaNelson Chamisa dzakabviswa pamapepa ekuvhotesa neZimbabwe Electoral Commission nemusi weChina mushure memutongo wedare reHigh Court waidzirambidza kukwikwidza.

Sarudzo idzi dzaenderera mberi kunyange hazvo bato reCCC rakanga rakakwira kudar erSupreme Court richipikisa mutongo weHigh Court wekurambidza nhengo dzaro dzeparamende kukwikwidza musarudzo idzi.

NeChishanu usiku High Court yakapa zvakare mumwe mutongo wekuti kunyange hazvo nhengo dzeCCC dzakanga dzapikisa kuSupreme Court, mutongo wekudzirambidza kukwikwidza wakanga usingafanirwe kusendekwa parutivi pachimirirwa kuti Supreme Court itange yanzwa nyaya iyi.

Nzvimbo yekuvhotera.

Zimbabwe Electoral Commssion yakazivisa neChishanu kuti yakanga yatobvisa pamagwaro ekuvhotesa mazita enhengo dzeCCC dzakarambidzwa nedare reHigh Court kukwikwidza idzi.

Mutauriri weZEC vari zvakare mutewedzeri wasachigaro weZEC, Ambassador Rodney Kiwa, vakaudzawo Studio 7 kuti komisheni yavo yakanga yagadzirira zvakakwana uye zvikwanisiro zvose, kusanganisira magwaro ekuvhotesa matsva, zvakanga zvatove munzvimbo dzekuvhotera.

Nzvimbo dzekuvhotera idzi dzinonzi dzavhura nenguva dzakatarwa dza 7 mangwanani, uye dzichitarisirwa kuvharwa na 7 dzemanheru sezvakatarwa nemutemo.

Sarudzo dzeNational Assembly dzaitwa mumatunhu masere anoti Binga North, Lupane East, Cowdray Park, Bulawayo South, Lobengula-Magwegwe, Beitbridge West, Nketa, neMpopoma-Mzilikazi.

Sarudzo dzemakanzuru sere dzaitwa mumawadhi manomwe muBulawayo nerimwechete muMasvingo.

Mutauriri weCCC, VaPromise Mkwananzi vanoti “Isusu chedu kuramba kuti sarudzo dzaitwa idzi inhema, hakuna sarudzo dzakadaro. Idambe raitwa naVaMnangagwa vachida kuzvipa two thirds mudare reparamende zvisiri pamutemo.”

Mumwe avhota achiratidza chigunwe chake.

Vanoti ndivo muwedzeri waVaTshabangu, VaAlbert Mhlanga, vanotiwo nyaya yekuti vanhu vaviri vanomirira bato musarudzo inogona kunge yawedzerawo kuvhiringika munhengo dzebato ravo, izvo zvita kuti vanhu vaenda kunovhota vave vashoma zvakanyanya.

Mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muzanu PF, VaFarai Marapira, vanoti bato ravo rakaisa nhengo dzakwikwidza musarudzo idzi sezvinopiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Wurayayi Zembe, vanotiwo maitirwo aitwa sarudzo idzi anonyadzisa nyika.

“Izvi zvave kunyadzisa, kusekesa pasi rose. Mitambo inoita nemaikwa,” Doctor Zembe vanodaro.

Kuverengwa kwemavhoti kuri kuenderera mberi pari zvino uye zvabuda musarudzo zvinogona kuziviswa chero nguva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPromise Mkwananzi

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAlbert Mhlanga

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFarai Marapira

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Wurayayi Zembe