Vanhu vakawanda munyika havana kuenda kunovhota musarudzo dzemaby-elections dzakaitwa nezuro dzemakanzuru nenhengo dzedare reparamende.
Mumaguta, vanhu vanodarika zvikamu gumi nezvitatu kubva muzana kana kuti 13, 6%. Kumaruwa vanhu vanodarika zvikamu makumi maviri kubva muzana kana kuti 20, 3% ndivo vakavhota.
Sarudzo idzi dzakaitwa kunyangwe pachine nyaya dziri kumatare dziri kupikisa kudzingwa kwenhengo dzeCCC nevari kuzviti munyori mukuru webato iri VaSengezo Tshabangu.
Mutungamiri webato reCCC VaNelson Chamisa vanoti VaTshabangu havasi nhengo yebato ravo uye havana masimba ekudzinga vanhu.
Vanopikisa vanoti bato reZanu-PF riri kuda kuti sarudzo dziitwe riwane zvigaro gumi zvekuti rikwanise kuvandudza bumbiro remitemo kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasamanikidzwa nemutemo kusiya basa muna 2028.
Nezuro pazvigaro zvipfumbamwe zvakakwikwidzwa, Zanu-PF yakawana zvimomwe VaTshabangu vakawana zviviri chete. Dzimwe sarudzo dziri kuitwa mukutanga kwegore rinouya
Vanokokera bato reZanu-PF mudare reparamende VaPupurai Togarepi vaudza Studio 7 kuti sarudzo dzakakonzerwa nekunetsana muCCCC kwete kuti vanoda kuvandudza bumbiro asi vakati hapana chakaipa kuita izvi.
Your browser doesn’t support HTML5
Mutevedzeri wemutauriri webato reCCC VaOstallos Siziba vaudza Studio 7 kuti sarudzo idzi kwaive kutungana kwembudzi.
Your browser doesn’t support HTML5