Mhepo Yoparadza Dzimba kuManicaland, Gweru neHwange

Tropical Weather

Nzvimbo dzakawanda dzakaparadzwa nedutumupengo remhepo nemvura muamtunhu akawanda munyika nezuro.

Nzvimbo dzakasangana nedambudziko iri dzinosanganisira Checheche kuManicaland, jeri reWhawha kuGweru uye zvikoro nedzimba zvakapadzwawo kuDete, kuHwange. Mhuri dzakawanda dzakasara dzisina pekugara.

Mumwe mugari wekuChecheche VaEffort Manono vaudza Studio 7 kuti vamwe vanhu vakamanikidzwa kunopotera kuhama neshamwari mushure mekunge dzimba dzavo dzatorwa matenga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEffort Manono