Mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume vawanikwa nedare repamusoro reHigh Court vasina mhosva panyaya yavange vatongerwa nedare ramejastiriti kugara mujeri kwemakore matatu.
Asi gweta ravo, Muzvinafundo Lovemore Madhuku vaudza Studio 7 kuti vange vachipomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga padandemutande reTwitter muna 2020.
VaNgarivhume vakange vanzi vaipesvedzera vanhu kuti vapinde mumugwagwa vachiratidzira kshora hurumende.
Asi vatongi vedare repamusoro reHigh Court VaPasirayi Kwenda naAmai Fatima Maxwell vati hapana mhosva yavakapara.
Kunyangwe vamwe vari kuti matare emunyika anotarisa kuti wabuda mumba maani, gurukota rezvemitemo vaziyambi ziyambi vanoti matare akazvimirira.
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights NGO Forum VaWilbert Mandinde vaudza Studio 7 kuti vatambira nemufaro kuburitswa mujeri kwaVaNgarivhume asi vakati hazvaifanira kuitwa.
Your browser doesn’t support HTML5