Vamwe Vatsigiri veCCC Vokurudzira Bato Ravo Kuti Ribude muParamende

Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa

Vamwe vatsigiri vebato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change vari kukurudzira bato ravo kuti riburitse nhengo dzaro dzose dzasara muparamende nemumakanzuru kuti pasi rose rione kuti muZimbabwe mave nehutongo hwehumbimbindoga.

Izvi zvinotevera kudzingwa kwenhengo dzebato iri mudare reparamende nemakanzuru nevari kuzviti munyori mukuru webato VaSengezo Tshabangu kunyangwe mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vari kuti havasi nhengo yebato iri uye havana chigaro chakadai.

Bato reCCC neMugovera rakarasikirwa nezvigaro zvipfumbamwe mushure mekurambidzwa kukwikwidzwa nematare. Vanopikisa vanoti VaTshabangu vari kushandiswa neZanu-PF kuti iwane zvigaro gumi zvairi kuda kuti ikwanise kuvandudza bumbiro remitemo kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varambe vachitungamira kusvika madhongi amera nyanga.

Asi VaTshabangu neZanu-PF vanoti havasi kuita chirwirangwe. Mutauriri weCCC VaPromise Mkwananzi vanoti vachiri kumirira kunzwa kubva kuvatsigiri vavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPromise Mkwananzi

Nyanzvi yezvematongerwo enyika vachidzidzisa kuTswane University of Technology, Muzvinafundo Ricky Mukonza vanoti muCCC mave kuratidzawo kuita zinyekenyeke.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Ricky Mukonza