Kune vechidiki vakawanda vanoti matare edzimhosva emunyika ane rusarura rwakanyanya mukutonga nyaya dzematongerwo enyika, izvo zvavati zvave kuvaodza moyo wekupinda mune zvematongerwo enyika.
Kutaura kwevechidiki ava kunoitika mushure mekunge dzimwe nhengo dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC, dzarambidzwa nematare edzimhosva, kukwikwidza musarudzo dzemaBy-elections dzakaitwa Mugovera wadarika.
Nhengo yevechidiki mubato reTriple CCC, VaStephen Sarkozy Chuma, vanoti zviri kuitwa nematare edzimhosva zvinoratidza kuti muZimbabwe hamuna hutongi hwejekerere.
VaChuma vati, “Tikatarisa mitongo iri kuitwa mumatare edu, inenge yakangonanga kuita zvido zvebato reZanu PF.” Vaenderera mberi vachiti, “Zvinoreva kuti mashoko akambotaurwa naVaMnangagwa ekuti bato ravo ndiro mapurisa, ndiro matare edzimhosva, ndiro mauto; ndizvo zvava kuitika. Saka mitongo yese yatinoona ichiturwa kumatare edzimhosva inenge yakanyorwa kumuzinda weZanu PF, zvinova zvinotyora kodzero dzedu sevechidiki.”
Asi mumwe wechidiki anotsigira Zanu PF, VaPeter Matangi, vanoti vemapato anopikisa vanonenedzera hurumende mhosva yekuva nerusarura, rwaisina.
VaMatangi vaudza Studio 7 kuti, “Mapato edu asiri muhurumende anopomera hurumende kuva nedivi yayakareekera nekuda kwekuti havakwanisi kugamuchira mitongo inenge yabva kumatare edzimhosva.” Vatiwo, “ Ndiro dambudziko hombe ratinaro. Ndinokurudzira mapato ezvematongerwo enyika kuti akwanise kugara pasi vataurirane nekunzwisisana pavanoita maonero akasiyana.”
Vanotungamira vechidiki mubato reMDC, VaAlbert Chidhakwa, vanotiwo matare emuno anogona kungoonekwa sebazi rebato riri kutonga, reZanu PF. Vati, “Ichokwadi kuti matare emuno akarerekera kubato riri kutonga nekuti mitongo yese yaanotura inenge iri kudivi reZanu PF.”
Vatizve, “Sarudzo dzakaitwa gore rino dzakabirwa, tikazvitaura seMDC, tikaenda kumatare, asi hakuna chakabuda. Takataurawo kuti chirongwa chekuchinjwa kwemiganhu yekuvhotera, hachina kuitwa mune zvakanaka, asi hatina kunzwikwa. Saka sevechidiki tinozvosvikawo pakuneta nekutyorwa kwekodzero dzedu.”
Asi mumwe wechidiki wemuHarare, Muzvare Rumbidzai Mpofu, anoti vemapato anopikisa vanoda kuti matare edzimhosva agare achingopa mitongo inoenderana nezvavanoda.
Muzvare Mpofu vati, “Semuenzaniso, mutungamiri webato reCCC, VaNelson Chamisa vakamboenda kumatare edzimhosva vachiti sarudzo dzaive dzabirwa, asi vakatadza kupa humbowo panyaya yavo, ikaraswa nedare.”
Vatiwo,. “Izvi hazvinei neZanu PF, sezvo nyaya iyi yaiitwa pachena. Hakusi kure apo Henrietta Rushwaya akaendeswa kumatare edzimhosva achinzi akaba goridhe, asi nekuda kwekushaikwa kwehumbowo, akasiiwa akaenda. Saka hameno kuti zvikonzero zviri kuita kuti vechidiki vade kusiyana nezvematongerwo enyika ndezvei chaizvo, nekuti matare edu anoedza chose kutonga nyaya zvakanaka.”
Nhasi hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, asi vakamboudza Studio 7 kuti matare akazvimiririra. Hatinawo kukwanisa kubata mukuru weJudicial Service Commission, VaWalter Chikwanha kuti tinwewo divi ravo panyaya.
Wechidiki, uye achiona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reHeal Zimbabwe, Tapiwanashe Chiriga, anoti matare edzimhosva anofanira kuita gutsaruzhinji, kwete kuita zverusarura. VaChiriga vanoti, “MuZimbabwe hakuna bazi riri kushanda zvakanaka sezvinotarisirwa nemutemo, asi kuti ave kushanda zvekugutsa avo vari muhutongi.”
Vatizve, “Kana ari matare, tinoona kuti anopa mitongo ine chekuita nezvematongerwo enyika, kwete mitemo. Saka vechidiki vachiona vanhu vachingovharirwa mumajeri uye vachimbunyikidzwa kodzero dzavo, vanozvibvunza kuti tingaisirei hupenyu hwedu munjodzi. Kutaura kuno, kune vakatobva kubuditswa mujeri vachinzi havana mhosva, asi vagara nguva yakareba vari mujeri. Mapazi ehurumende ngaashandire vanhu, kwete vatongi.”
Mukuru anona nezvekufambiswa kwezvirongwa kusangano rinoona nezvesarudzo muno, reElection Resource Centre, VaBlessing Makwara, vanoti zvichida mitemo yenyika ndiyo inoda kuvandudzwa, kuitira kuti mitongo inozopiwa mumatare edzimhosva inge ichifadza veruzhinji.
“Kune mapepa akawanda anyorwa zvichinzi matare haasi kupa mitongo inofadza veruzhinji, asi vematare vanenge vachitiwo, vanotevedzera mitemo, kwete kuda kufadza veruzhinji," VaMakwara vaudza Studio 7.
Vatizve, “Saka pada mitemo iyi ndiyo iri kufanira kumbovandudzwa nekuti vechidiki vave kuona sekuti zvekupinda munr zvematongerwo enyika hazvina maturo, sezvo uri mutambo wakapera kare. Ukuwo ukaenda kumatare, vanoti hapana chinobuda ikoko. Iri idambudziko rinoda kugadziriswa.”
Kuratidza kuti vakawanda munyika kusanganisira vechidiki vave kuita vachishaya chivimbo nesarudzo, nemusi weMugovera vanhu vashoma ndivo vakavhota.
Mumadhorobha pane zvakabva kusangano rinoongoora sarudzo rakazvimirira reElection Resource Centre rinoti vanhu vakavhota mumaguta vaidarika zvikamu gumi nezvitatu chete kubva muzana kana kuti 13,6%. Kumamisha kwaive nesarudzo shoma vaidarika zvikamu zvitatu nezvitanhatu kana kuti 36,6%.
Nyika dzakatemera vamwe vakuru venyika zvirango zvwhupfumi pamwe nekurambidzwa kunshinyira dzakaita seAmerica dzinoti kusasungunuka kwematare nemasangano anoona nezvesarudzo akaita seZimbabwe Electoral Commission pamwe nehudzvaniriri humoitwa nebato re Zanu PF zvinodzosera kumashure hutongo hwejekerere zvinopawo kuti vanhu vaone kuvhota nekodzeroi sezvisina basa.
Vamwe vanoyambirawo kuti izvi zvinogona kukonzera kusagadzikana munyika.
Your browser doesn’t support HTML5