Vaive Mumiriri weMabvuku-Tafara Vari Nhengo yeCCC, VaKufahakutizwi Vanomiswa Pamberi peDare Vachipomerwa Mhosva yeKuparadza Midziyo

  • Jonga Kandemiiri

Vaimbove mumiriri weMabvuku-Tafara VaFebian Munyaradzi Kufahakutizwi.

Vakanga vari mumiriri weMabvuku-Tafara muparamende vakazorambidzwa nedare reHigh Court kukwikwidza musarudzo dzema by-election dzichangobva kuitwa vari nhengo yeCCC, VaMunyaradzi Febion Kufahakutizwi, vanonzi vapiwa mukana wekutongwa vachibva kumba vasina mari yechibatiso yavabhadhariswa.

VaKufahakutizwi vamiswa pamberi pedare redzimhosva mushure mekusungwa vachipomerwa mhosva yekurova munhu uye kuparadza midziyo. Vanzi nedare vadzoke zvakare kudare musi wa 23 Ndira, 2024.

Asi vasati vaendeswa kudare vanonzi vambochengetedzwa pakamba yemapurisa yeHarare Central Police Station.

VaKufahakutizwi vaudza Studio 7 kuti vari kuona kusungwa kwavo sekungoshungurudzwa chete nehurumende, kunyange hazvo bato reZanu PF rakawana chigaro chavo, icho vanoti chakapiwa kunaVaScott Sakupwanya veZanu PF vasina avakakwikwidzana.

VaKufahakutizwi vakadzingwa nevari kuzviti ndivo munyori mukuru webato reCCC, VaSengezo Tshabangu, pamwechete nedzimwe nhengo dzebato ravo muNational Assembly neSenate uye makanzura.

Zvichakadaro, mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe, Vajacob Ngarivhume, avo vakawanikwa nedare reHigh Court vasina mhosva mushure mekugara mujeri kwemwedzi misere, vanga vachitarisirwa kubuda kubva kujeri reChikurubi Maximum Prison manheru anhasi.

VaNgarivhume vanonzi vanga vachiri kugadzirisa mapepa avo ekuti vabude mujeri panguva yataenda pamhepo, asi panga paine tarisiro yekuti zvese zvinokwanisa kupera kuitwa nhasi manheru.

VaNgarivhume vakasungwa vachipomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga padandemutande reTwitter muna 2020, asi vairamba mhosva iyi kunyange hazvo dare remejasitiriti rakavawana vaine mhosva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunyaradzi Febion Kufahakutizwi