Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaNgarivhume, Voronga Kutora Matanho Mushure meKugariswa muJeri Ivo Vasina Mhosva

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwe opposition politician Jacob Ngarivhume, the leader of Transform Zimbabwe, speaks to the press after his release on bail from Chikurubi Maximum Prison in Harare, on Sept. 2, 2020.

Mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, avo vakachenurwa nedare reHigh Court neMuvhuro pamhosva yavaipomerwa yekukurudzira mhirizhonga, vanoti vari kuronga kutora matanho ekuti varipwe nekugariswa mujeri kwemwedzi misere asi ivo vasina mhosva.

VaNgarivhume vakazowana rusunguko rwavo neChipiri usiku apo vakaburitswa mujeri reChikurubi Maximum Prison, uko vakanga vari muhusungwa kwemwedzi misere yadarika mushure mekukandwa mujeri kwemakore mana nemutongi wedare ramejasitiriti uyo akavawana vaine mhosva yekukurudzira mhirizhonga muna 2020.

Vanoti vari mujeri vaibatwa zvakasiyana nevamwe vasungwa nechikonzero chekuti vainzi musungwa wezvematongerwo enyika, izvo zvaiita kuti vaomeserwe zvakanyanya kudarika vamwe.

VaNgarivhume vanoti vairambidzwa kuenda kunzvimbo dzakawanda dzaienda vamwe vasungwa dzinosanganisira kuenda kunoverenga kudura remabhuku, kana kuti library, kana kudzidzisa vamwe vasungwa chaiko.

Asi vanoti zvimwe zvezvhinhu izvi zvakazonyevenutswa mushure mekunge vazogara pasi nevakuru vekumajeri vachivaonesa kuti vakanga vasina kusiyana nevamwe vasungwa vaive mujeri iri.

VaNgarivhume vanoti magweta avo anosanganisira Muzvinafundo Lovemore Madhuku, ari kuronga kutora matanho ekuti varipwe sezvo vakapedzerwa nguva yavo nekugariswa mujeri ivo vasina mhosva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Ngarivhume