Mutungamiri weCCC, VaChamisa, Voita Musangano Wekupedzisira weGore kuChitungwiza neSvondo

Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa vari kutarisirwa kuita musangano wekupera kwegore kuChitungwiza neSvondo.

Mutaururi webato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change, VaPromise Mkwananzi, vanoti mutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa, vari kuita musangano mukuru nevatsigiri vebato ravo muChibuku Stadium mumusha weChitungwiza neSvondo.

Musangano uyu uri kuuya panguva iyo bato rinopikisa iri riri kutasirana nematambudziko ekudzingwa dzingwa kwenhengo dzebato iri muparamende nemumakanzuru nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri, VaSengezo Tshabangu.

Svondo rino komiti yepamusorosoro yebato iri, ye Citizens National Assembly (CNA), yakagara yakabuda nezvisungo zvinosanganisira chekuenda kuvanhu kuti bato iri rinzwe kuti robuda here muparamende nemumakanzuru kana kuti kwete.

Asi VaMkwananzi vanoti musangano uyu uchapa veruzhinji mukana wekuti vanzwe hurongwa hwebato ravo kuenda mberi.

"Kuchange kuchitaurika nhau ye way forward panhau yekuti tofamba sei patasvika nhasi. Uchange uri musangano mukuru. Munhu wese anokurudzirwa kunge aripo achiona mbune zvichaitika ipapo nehutungamiri hwaAdvocate Nelson Chamisa huchange huchiparurwa for 2024," VaMkwananzi vanodaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPromise Mkwananzi