ZimRights Yokurudzira Hurumende Kuti Iremekedze Kodzero Dzevanhu Sezvinokurudzirwa Pasi Rose

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

VaDzikamai Bere.

Mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights Association, ZimRights, VaDzikamai Bere, vari kukurudzira hurumende dzepasi rose, kusanganisira Zimbabwe, kuti dziremekedze kodzero dzevanhu sezvinokurudzirwa mugwaro reUniversal Declaration of Human Rights.

VaBere vakataura mashoko aya vari muAmerica umo vanga vachipinda musangano mukuru wekuzeya pamusoro penzira dzingashandiswe mukuchengetedza kodzero dzevanhu pasi rose.

Vanoti sesangano, vari kushoropodza zvikuru kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kupambwa nekuitwa kafiramberi munyika, zvikuru nhengo dzemapato anopikisa hurumende nevarwiri vekodzero dzevanhu.

VaBere vanotiwo vakaburitsa gwaro rekushora zviri kuitika izvi uye vari kukuridzira hurumende kuti iite zvese zvainogona mukuedza kugadzirisa dambudziko iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDzikamai Bere