Vanoona nezvemamiriro ekunze vanoti vari kutarisira kuti nzvimbo zhinji dzichanaya mangwana kunyangwe kuzvimbo dzakaita seMasvingo, kuchamhembe kweManicaland, nekuchamhembe kwakadziva kumabudazuva kweMatabeleland South kunenge kuine mvura shoma.
Zvichakadaro, mutungamiri wesangano reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union Amai Mayiwepi Jiti vari kukurudzira varimi kuti vasime mbeu dzinokurumidza kukura.
Your browser doesn’t support HTML5
Mvura yave kunaya asi vanoona nezvemamiriro ekunze vanoti ichakurumidza kuenda.
Mvura gore rino yakanonoka kuturuka zviri kutyirwa nevakawanda kuti zvichapa kuti goho remwaka unotevera riderere zvakanyanya. Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vakati Zimbabwe iri kutarisira goho rechibage rematani miriyoni imwe chete nezana rezviuru kana kuti 1,8 million gore rinouya.
Goho iri rakaderera nematani zviuru mazana mashanu kana kuti 500,000 pane rinodiwa nenyika pagore. Sangano remuAmerica rinooona nezvemamiriro ekunze reFamine Early Warning Systems Network kana kuti (FEWSNET) rinoti muna 2024 ne2025, nyika dzakaita seZimbabwe, Malawi, Mozambique neMadagascar dzinoda rubatsiro.