Mitengo yezvinhu iri kutarisirwa kuramba ichikwira uye zvimwe zvinhu zvichitarisirwa kutangawo kushomekawo apo nyika yatarisana nezororo rekisimusi.
Svondo rapera zvekudya zvakawanda zvakawedzerwa mutengo. Zvakawedzerwa zvinosanganisa shuga, hupfu, mafuta ekubikisa, mupunga, Mazowe nezvimwe.
Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers Association VaDenford Mutashu vatenda kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo zvimwe zvinhu zvisiri kuwanikwa.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Calvin Mudzingiri vanodzidzisa paUniversity of the Free State kuSouth Africa vanoti zvinhu zviri kugadzirwa munyika zvichiri zvishoma nekudaro vanazvo vanoramba vachiwedzera mitengo.
Your browser doesn’t support HTML5
Vatiwo kuwedzerwa kwemitero kuri kuda kuitwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube kuri kupa kuti vamwe vatogara vawedzera mari kuti vazowana yekuhodhesa.