Muchuchusi wedare reInternational Criminal Court VaKarim Khana vaudza vatori venhau kuti vawana tsamba kubva kuSouth Africa, South Africa, Bangladesh, Bolivia, Comoros neDjibouti yekuti vaferefete Israel yavari kupomera mhosva dzehondo.
Israel iri kupomerwa mhosva yekupara mhosva dzehondo muGaza. Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vanoti vaendesa magwaro ose anodiwa uye vanotarisira kuti nyaya iyi ichanzwikwa nechimbichimbi.
Vanhu vanodarika zviuru gumi nezvisere zvine mazana manomwe nemakumi masere nevanowe kana kuti 18, 787 vafa muGaza kunyanya vana vadiki nemadzimai. Israel iri kupomerwawo mhosva yekubhomba zvipatara.
Munyori mukuru weANC VaFikile Mbalula vakamboudza ICC kuti ibate mutungamiri wehurumende yeIsrael semabatiwo ayakaita nyaya yemutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin vari kupomerwa mhosva dzehondo kuUkraine.
Israel haisi nhengo yedare reICC uye inoti iri kurwisa muGaza sezvo chikwata cheHamas chinonzi neAmerica chinopfurikidza mwero chakatanga kuirwisa musi wa 7 Gumiguru ndokuuraya vanhu chiuru chimwe chete nezviuru mazana maviri kana kuti 1,200.
Your browser doesn’t support HTML5