Vanhu Vatatu Vakatsva Kusvika Vaita Dota muTsaona yeMumugwagwa kuMazowe

Assistane Commissioner Paul Nyathi

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Nyathi vaudza Studio 7 kuti vamwe vanhu vatatu pane vapfumbamwe vafa nhasi munjodzi yaitika paMazoe Citrus vatsva kusvika vaita dota.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPaul Nyathi

Izvi zvakatevera kubonderana kwemotokari dzemhando yeHonda Fit imwe yacho ichibva yatanga kubvira.

Njodzi iyi yaitikira mumugwagwa weHarare Bindura. Mitumbi yevanhu vafa ava iri kuchipatara cheConcession.

Mumashoko kuvatori venhau, VaNyathi vazivisawo mazita evakafa mune imwe njodzi yakaitika nemusi weSvondo pakabonderana marori maviri mumugwagwa weMutare-Juliasdale.

Vakafa vanoti Patience Muzarewetu wekuWattle Company uye Garikai Charamba wekuWatsomba. Mumwe akafa haana kuziviswa zita rake sezvo hama dzake dzisati dzaziviswa.

Mutauriri wesangano rePassengers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Goliati vaudza Studio 7 kuti pazororo rino rekisimusi zvakakosha kuti vanhu vatevedzere mitemo yemumigwagwa vasamhanyise motokari nekuputa kana kunwa zvinodhaka

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Goliati