Magweta aVaChamisa Oudza VaTshabangu Kuti Vashandise Chiso Chavo Pakutsvaga Rutsigiro

Chamisa Masvingo Rally

Mutungamiri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanyora tsamba kuZimbabwe Electoral Commission vachiti isaregedze vanhu vavasina kupa mvumo yekushandisa chiso chavo pakunyoreswa vanoda kukwikwidza musarudzo kudare reNomination Court.

Gweta raVaChamisa, VaObey Shava vaudza Studio 7 kuti VaTshabangu vanofanira kushandisa chiso chavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObey Shava

Izvi zvauya apo dare reNomination Court ragara nhasi kutambira mazita evanhu vari kukwikwidza musarudzo dzemaby elections musi wa 3 Kukadzi.

Sarudzo idzi dziri kuitwa mushure mekunge vari kuzviti vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC VaSengezo Tshabangu vanyorera mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda kuti vadzinge nhengo dzebato iri mudare.

VaChamisa vanoti VaTshabangu havasi nhengo yebato ravo uye havana masimba ekudzinga vanhu kunyangwe vari kutsigirwa nematare.

VaTshabangu vari kushandisawo chiso chavaChamisa pane vanhu vavari kuti vakwikwidze musarudzo.

Asi magweta aVaTshabangu ari kuti ane kodzero yekushandindisa chido chaVaChamisa vachiti ndivo mutungamiri rebato reCCC kunyangwe vari kudzinga nhengo dzebato iri pasina kuvasuma.