Vaimbove Meya weHarare, VaJacob Mafume, veCCC, Vanosarudzwa Zvakare paChigaro Ichi

  • Jonga Kandemiiri

Meya weHarare, VaJacob Mafume.

Vaimbove meya weHarare, VaJacob Mafume vebato reCitizens’ Coalition for Change, vadzoka zvakare pachigaro ichi mushure mesarudzwa sameya musarudzo dzaitwa nemusi weChina muHarare.

VaMafume vatora chigaro ichi mushure mekuwana mavhoti makumi maviri nemaviri, vachikunda VaElvis Ruzani veCCC zvakare. VaTemany Utete veZanu PF vanonzi vawana mavhoti mana chete.

Chigaro ichi chakasara chisina munhu mushure mekudzingwa kwevaive meya, VaLovejoy Chitengu veCCC, avo vakadzingwa nevanozviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC, VaSengezo Tshabangu.

VaChitengu vakanga vatsivawo VaIan Makone, avo vakanga vasarudzwa kuve meya mushure mesarudzo dzemuna Nyamavhuvhu, asi vakazodzingwa zvakare naVaTshabangu.

Vanoona nezvezvirongwa musangano revagari veuHarare, reCombined Harare Residents Association, CHRA, VaReuben Akili, vanoti vari kushushikana nekushandiswa zvisizvo kwechimwe Chikamu 129 chebumbiro remitemo pakudzingwa kwenhengo dzemapato dzinenge dzasarudzwa neveruzhinji kuti dzivamirire.

Vanoti izvi zvinhu zvinorwisa hutongi hwejekerere nehutongi hwakatsarukana, vachitiwo zvinodzorera budiriro kumashure.

Vamwe vagari vemuHarare vanoti vari kutambira nemufaro kudzoka kwaVamafume vachiti zvichavapa mukana wekupedzaisa zvirongwa zvavakanga vasiira panzira pavaimbove meya, zvinosanganisira kupedziswa kwenhandare yenhabvu yeRufaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaReuben Akili