Mapurisa anoti achiri kuferefeta nyaya dzekupambwa, kushungurudzwa pamwe nekupondwa kwenhengo dzebato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change dzakamhan'garwa.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vakaudza Studio 7 svondo rino kuti mapurisa achiri kuferefeta asi ane zvaakamirira kubva kune imwe nhengo yebato iri yakapambwa nekushungurudzwa, uye vari nhengo yeparamende, VaTakudzwa Ngadziore kuitira kuti akwanise kuenderera mberi nebasa.
VaNgadziore vatenda kuStudio 7 kuti vakafonerwa nemapurisa nemusi weChitatu achiti aida svombonoro kana kuti password yedandemutande ravo reFacebook, iro ravakashandisa pakutora vhidhiyo yevanhu vakavapamba nekuvashungurudza.
VaNgadziore vati zvinhu zvakavashamisa kuti nanhasi mapurisa haana zvaati aita panyaya iyi, vachiti mapurisa anoziva basa ravo havafanirwe kutsvaga password kubva kumunhu asi kuti vanofanirwa kungenderera mberi nekushandisa humbowo huripo.
Asi vanoti vachaenda zvavo kumapurisa kana vachinge vasunga zuva rekuendako vachiperekedzwa negweta ravo.
VaNgadziore vakapambwa nekuitwa kafira mberi nevanofungidzirwa kuti vasori asi vakakwanisa kutora kavhidhiyo kevanhu vacho pavaitandaniswa vasati vabatwa.
Nhengo dzeCCC dzakawanda dzinosanganisira vaimbove mumiriri weMabvuku-Tafara muparamende, VaJames Chidhakwa, dzakapambwa munguva pfumi inotevera dzakasiya dzaitwa kafiramberi.
Asi vamwe vakaita saVaTapfumaneyi Masaya vekuMabvuku havana kuita rombo rakanaka rekusiiwa vari vapenyu sezvo vakazowanikwa vakapondwa.
Your browser doesn’t support HTML5