Mapurisa ari kuyambira vatyairi pamwe nevaridzi vedzimotokari nemabhazi kuti achange achiita basa sebasa munguva ino yezororo reKisimusi negoredzva senzira yekuedza kuderedza tsaona dzemumigwagwa pamwe nekuparwa kwedzimhosva.
Mutauriri wemapurisa nyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mapurisa achange ari mumigwagwa achiona mafambiro edzimotokari pamwe nekubvisa mumigwagwa motokari dzinenge dzisina kukodzera.
Vanotiwo vachange vachisunga vose vachawanikwa vachityora mitemo yemumigwagwa.zvakaonekwa kuti tsaona zhinji dzinoitika munguva dzemazororo dzinokonzerwa nevatyairi vanenge vasiri kutevedzera mitemo yemumigwagwa.
Assistant Commissioner Nyathi vari kukurudzirawo vedzimotokari kuti vasiyane netsika yekufamba usiku, uye kuti vatyairi vasiyane nekatsika kekutyaira motokari vachinwa doro.
Vatyairi vari kukurudzirwawo kuti vasapfuura dzimwe motokari panzvimbo dzavanenge vasiri kunyatoona kwavari kuenda.
Mapurisa anonzi achange achisechawo dzimotokari pamwe neveruzhinji vanenge vafungidzirwa kuti vane zvavainazvo zvisiri pamutemo, uyewo kutenderera mumisha inogara veruzhinji vachifambafamba kuona mafambiro everuzhinji.
Your browser doesn’t support HTML5