Mashoko ari kutambirwa anoti motokari dzakatakura rubatsiro dzinosvika makumi manomwe dzapinda kuchemhembe kwe gaza nepamuganho weEgypt weFafah. Gaza inonzi iri kuda rubatsiro zvechimbichimbi.
Israel yakanga yaudza vagari vemu gaza kuti vabude kuchamhembe kweGaza, asi pakazosvika mauto ayo akawanda paine nzvimbo dzekugara shoma kana zvichienzaniswa nevanhu.
Zvichakadaro, zvichitevera mazuva enhaurirano dziri pamusoro pekumbomiswa kwehondo pamwe nekuendeswa kwerubatsiro mu Gaza Strip, iyo yaradzwa nehondo,
America haina kuvhota neChishanu pachisungo cheU.N. Security Council, zvakabvumidza kutambirwa nenhengo dzayo gumi neshanu kwechisungo chekutora matanho ekupinzwa kwechikafu muGaza.
Mumiriri weAmerica kuUnited Nations, Amai Linda Thomas-Greenfield vakati kanzuru iyi yakurudzira kuti patorwe matanho nekukasika anobvumidza kupfuudzwa kwechikafu kwakasununguka uye kuti pave nekumiswa kwekuurayiwa kwevanhuwo zvavo.
Nhapwa dzinonzi dzinofanirwa kuregererwa izvozvi, uye Isarel neHamas dzinofanirwa kuremekedza mitemo yepasi rose inobata kufambiswa kwerubatsiro.
AmaiThomas-Greenfield vakawedzera vachiti America haisi kufara nekuti chisungo ichi hachisi kushoropodza kurwiswa kweIsarel neHamas musi wa 7 Gumiguru zvakaurayisa vanhu chiuru nemazana maviri muIsrael.
Russia, iyo yaida kushoropodzwa kweIsrael kwakasimba muchisungo ichi, hainawo kuvhota, ichiti chisungo chakazoburitswa chekupedzisira chakavandudzwa nekurudziro yeAmerica hachina mazino.