Huwandu hweVari Kufa muTsaona dzeMumigwagwa Hwowedzera

Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti ZimStat inoti huwandu hwevanhu vari kufa pazororo rino rekisimusi huri kuramba huchiwedzera. Vanhu vafa panguva yezororo reKisimusi vadarika makumi maviri uye mapurisa anoti kazhinji zviri kukonzerwa nevatyairi vanenge vachimhanya.

Musi weChishanu chete kwakafa vanhu vanome.

Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti vari kushushikana nekutsikwa kuri kuitwa vanhu nemotokari dzimwe dzacho dzichibva dzatiza. Zimstat inotiwo mumwedzi mitanhatu yadarika, vanhu vanodarika mazana matanhatu vafa munjodzi dzemumigwagwa.

Vanoongorora zvenjodzi pamugwagwa vachishanda nesangano reSafe School Zones Zimbabwe, VaMcLeo Mapfumo vanoti zvakakosha kuti vanhu vatevere mitemo yemumigwagwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMacleo Mapfumo