CPU Yoyambira Vanhu Kuti Vangwarire Mafashamu eMvura Auraya Vanhu Makumi Mashanu (51) neMumwe Kubva Zvakwatanga Kunaya

floods zimbabwe

Bazi rinoona nezvekubatsira vanhu vanenge vawirwa nenjodzi reCivil Protection Unit riri kukurudzira vanhu mumatunhu ose enyika kuti vangwarire mafashamu emvura ayo anonzi atouraya vanhu makumi mashanu nemumwe kubva zvatanga mvura kunaya.

Mukuru weCPU VaNathan Nkomo vanoti hakuna nzvimbo isiri munjodzi yemafashamu nekudaro zvakakosha kuti vanhu vagare vakangwarira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNathan Nkomo

Vanoona nezvemamiriro ekunze veMeteriological Department vakagara vapa yambiro kuti kuchanaya mvura yakawanda svondo rino kusvika nemusi nemusi weMugovera.

Mvura iyi yakatosiya vamwe vagari vekuBudiriro 4 neMabvuku vasina pekugara uye ikauraya mwana ane makore matanhatu kuBudiriro.

CPU inoti ine dzimba dzekuti vanhu vapotere mumatunhu akasiyana siyana.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mune rimwe sangano revagari reCombined Harare Residents Association VaReuben Akili vanoti kuvharika kwemigero uye kuvakira dzimba pasina kukodzera zvawedzera dambudziko remafashamu muHarare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaReuben Akili