VeCCC Voshora VaMnangagwa neKukurokotedza VaTshisekedi vekuDRC neKukunda Musarudzo Dziri Kunzi neVanopikisa Dzakabirirwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vabatana nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica kukorokotedza mutungamiri wenyika yeDRC VaFelix Tshisekedi vanova zvakare sachigaro weSADC nekukunda musarudzo dziri kunzi nevanopikisa munyika iyi dzakabirirwa zvemhando yepamusoro soro.

Mumashoko avo, VaMnangagwa vakorokotedza VaTshisekedi vachiti vakakunda zvine mutsindo, vakatendawo vanhu vemuDRC vachiti vakavhota kunyangwe paive nezvimhingamupunyi.

Vanoona nezvesarudzo munyika iyi ve Independent National Electoral Commission vakati VaTshisekedi vakakunda nezvikamu makumi manomwe nezvitatu kubva muzana kana kuti 73%.

Vakurudzirawo runyararo munyika iyi yagara itori nehondo. Asi mashoko aVaMnangagwa ashorwa zvikuru nemutauriri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaPromise Mkwananzi vati hapana zvinoshamisa zvaitwa naVaMnangagwa sezvo VaTshisekedi vakakurumidzawo kuvakorokotedza musardzo dzakashorwa kana nevaongorori veSADC

Asi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaFarai Marapira vati hapana chakaipa chaitwa naVaMnangagwa vachiti sekuona kwavakaita hakuna chakaipa chakaitwa musarudzo idzi.

Vakaongorora sarudzo idzi vanoti nzvimbo dzekuvhotera mbiri panhatu dzakanonoka kuvhurwa, uye michina yekuvhotesa makumi matatu kubva muzana, 30% yaisashanda zvakanaka zvakapa kuti mamiriyoni evanhu adzokere kumba asina kuvhota. Kuvhota kwatozowedzerwa nerimwe zuva.

Asi izvi hazvisi kumisa vatungamiri venyika kukorokotedza VaTshisekedi. Vamwe vatungamiri vakorokotedza VaTshisekedi ndiVaEvariste Ndayishimiye vekuBurundi. Asi vanoti havo kana pakaita vasingawirirane nezvakabuda musarudzo vanofanira kuenda kumatare zvogadziriswa murunyararo.

Izvi ndizvo zvakataurwawo nemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vakakorokotedza VaTshisekedi asi vakatiwo vanovimba kuti pave nerunyararo kana vanopikisa vakafunga kupikisa zvakabuda musarudzo vachikurudzira kuti vaende kumatare. Mutungamiri wenyika yeTanzania Amai Samia Suhuli vakakorokotedzawo VaTshisekedi.

Asi chinopa kuti dzimwe nguva zvinetse kutevedzera kurudziro yekuti vanhu vaende kumatare kana vakundwa musarudzo dzine mutauro? Gweta vachishana nesangano rinorwira kodzero dzevanhu reAll Hands on Justice VaKennedy Masiye vaudza Studio 7 kuti vakawanda havachina chivimbo nematare emuAfrica kuti anokwanisa kuita vanamutongi gava sezvo vatongi vakawanda vachirerekera hurumende.

VaTshisekedi vari kutarisirwa kutoreswa mhiko musi wa 20 Ndira kana pasina vaenda kumatare kunokwikwidza zvakabuda musarudzo. Dare repamusoro soro munyika iyi reConstitutional Court rine mazuva gumi ekunzwa nyaya yavanenge vapikisa yozotaura zvakabuda musarudzo zviri pamuteo musi wa 10 Ndira.