Dare Rotonga VaSikhala neMhosva Isisiri muBumbiro reMitemo

VaJob Sikhala

Vaimbova mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala avo vadarika gore nemwedzi misere vange vari mudare nhasi nechikumbiro chekuti nyaya yavo yekuti vakatenderedza mashoko ekunyepa anokanganisa chimiro chehurumende iraswe.

VaSikhala vanonzi vakatendereredza vhidhiyo yainyepa kuti mapurisa ainge arova mwana nemboma akafa.

Gweta ravo VaHarrison Nkomo vanova ndengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights vange vakwidza kudare nyaya yekuti mhosva iri kupomerwa VaSikhala haisi mubumbiro remitemo uye dare rakatombopa mutongo kare wekuti hapana anofanira kutongerwa mhosva yakadai zvakare.

Muna 2014, mutemo weCriminal Law Code chikamu chechimakumi matatu nechimwe wakanzi nedare repamusoro reConstitutional Court hausi pamutemo.

Asi mejastiriti Amai Feresi Chakanyuka varamba vachiti VaSikhala vanofanira kumiswa pamberi pedare vachitongwa. Nyaya yaVaSikhala yanzi ichanzwikwa musi wa 5 Ndira.

Mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party Doctor Wurayai Zembe avo vange vari mudare nhasi vatiwo vakashanyira VaSikhala kuChukurubu vakaona vakasungwa makumbo nengetani. Vanoti kodzero dzavo semusungwa hadzisi kuremekedzwa.