Hurumende Yokurudzirwa Kuti Igadzirise Dambudziko Riri Kutarisana neVagari veMumisha iri Kusangana neMatambudziko eMafashamu

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Dzimba dzakawanda dziri kuparadzwa nemafashamu emvura.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti zvakakosha kuti vagari vari munzvimbo dzakaita seKuwadzana neBudiriro, idzo dzinogara dzichisangana nedambudziko remafashamu emvura, vawane rutsigiro kubva kuhurumende.

VaShumba vanoti izvi zvakakosha sezvo vazhinji vevanhu vari munzvimbo idzi vakatengeserwa pekugara nemakoronyera aiziva kuti inzvimbo dzinonyudza kana kwanaya mvura yakawanda.

Kanzuru yeHarare yazivisa kuti pari kutarisirwa kuti pachaita rimwe dambudziko zvakare munguva pfupi inotevera munzvimbo idzi.

Meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, vari kukurudzira vagari vemunzvimbo idzi kuti vatame vachienda kunzvimbo dzakakwirira nekuti vaende kune dzimwe nzvimbo dzekanzuru kuitira kuti vasatarisane nedambudziko remafashamu kana rasvika.

Hurumende inotiwo yakatamisa dzimwe mhuri dzakasangana nedambudziko iri ichidziwanisa pekugara kuDzivaresekwa.

"Tino kurudzira kuti dambudziko riri kutarisana nevagari vemuHarare vari munzvimbo dziri kutarisana nemafashamu rigadziriswe munguva inotevera sezvo zvinhu zvisiri kufamba zvakanaka pari zvino," VaShumba vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Precious Shumba