Muimbi weSungura, Memory Madekurozva, Osimudzira Dunhu ReMutare muNyaya dzeMimhanzi

Muimbi we Sungura, Yaya Saru

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino, Studio 7 yaita hurukuro nemuimbi wemusambo wesungura achiri kusimukira, Memory Madekurozva , uyo anozivikanwa neremgitare rekuti 'Yaya Saru,' uyo anoimba ari kwaMutare.

Yaya Saru anoti akatanga kuimba ari mwana mudiki asi vabereki vakamuti ambomira kuita zvemagitare kusvika atanga aenda kuchikoro chemimhanzi, uko akazonodzidzira zvemimhanzi.

Pari zvino ane dambarefu raari kubika raanoti richabuda munguva yeValentine’s mumwedzi unouya waKukadzi, achiti veruzhinji vari kufarira nekutambira mimhanzi yake yaari kubura.

Your browser doesn’t support HTML5

Vidhiyo Ya Yaya Saru

Dzimwe dzenziyo dzaakatsikisa dzinosanganisira “Tsitsi-Rudo-Runyararo” na “Reuben” idzo dzaanoti dziri kufadza vazhinji munyika.

Mimhanzi yake inowanikwa pamadandemutande anoti YouTube, Instagram, neFacebook pasi pezita rake remagitare rekuti Yaya Saru.

Vanoda kumubata vanomuwana parunharembozha rwunoti +263 777 073 895.

Tinokupai chimwe chirongwa chemagitare nemusi weChishanu svondo rinouya.

Kune vaimbi vanoda kuti titaure navo pachirongwa chedu pano paStudio 7, tibateyi paWhatsApp nhamba dzinoti +1 202 465 0318.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro Na Yaya Saru