Basa reKununura Vashandi Gumi neMumwe Vakadhirikirwa neMugodhi weRedwing Rinononotswa neKutyira Kuti Mugodhi Uyu Ungangodhirika Zvakare

  • Jonga Kandemiiri

Vashandi vanonunura vanhu munjodzi vanoti vari kutadziswa kusvika kune vashandi nekuda kwekusasimba kwevhu.

Basa rekununura vashandi gumi nemumwe vakadhirikirwa nemugodhi wegoridhe weRedwing Mine kuPenhalonga mudunhu reManicaland rinonzi richiri kuenderera mberi chikwata chiri kununura vashandi ava chichinzi chakundikana zvakare kupinda mumugondi uyu nhasi nekuda kwekusagadzikana kwevhu remumugodhi uyu.

Chikwata ichi chinonzi chazivisa kuti chave kutanga chatsigira ivhu remwena wekupinda nawo mumugodhi uyu kuitira kuti risarambe richiwondomoka, basa rinonzi rinotoda zuva rose kuita kuitira kuti chikwanise kusvika kunofungidzirwa kuti ndiko kune vashandi ava, mamita makumi mashanu pasi pevhu.

Mugodhi weRedwing, uyo unonzi ndewenhengo yeZanu PF, vari mumiriri weMabvuku-Tafara muparamende, VaScott Sakupwanya, unonzi uri pasi pekambani yeMetallon Gold Zimbabwe zvakare. Mugondi uyu unonzi wakambovhariswa neEnvironmental Management Agency, EMA, mukutanga kwa2023 nemhosva yekuramba uchiita tsaona dzekudhirika vashandi vachifira mumugodhi.

VaScott Sakupwanya veZanu PF Ndivo muridzi weRedwing Mine.

Mumwedzi waNdira gore iroro vashandi makumi maviri nematanhatu, 26, vanonzi vakafa mushure mekudhirika kwemwena yemugodhi uyu.

Takundikana kubata veMetallon Gold Zimbabwe sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.

Asi nemusi weChina kambani iyi yakaburitsa mashoko kuvatori venhau ichiti vashandi vayo vanonunura vanhu munjodzi vari kuedza zvose zvavanogona kununura vashandi ava, asi basa riri kunonotswa nekuda kwekusagadzikana kwevhu mumugodhi uyu.

Hatinawo kukwanisa kunzwa kubva kuna VaSakupwanya, avo takatumira mibvunzo yedu nemusi weChina asi vanga vasati vapindura pataenda pamhepo.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira vashandi vemumigodhi, reNational Mine Workers Union of Zimbabwe, VaKurebwa Jabangwe Nomboka, vaudza Studio 7 kuti zvinorwadza kuti vapinda muzuva repiri pasina chaitwa chinobatsira vashandi vari pasi pemugodhi, zvinoratidza kuti panga pasina kuiswa nzira dzekuti kana pakaita tsaona yadai vashandi vakwanise kununurwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKurebwa Jabangwe Nomboka