Basa rekununura vashandi vakadhirikirwa nemugodhi wegoridhe weRedwing kuPenhalonga mudunhu reManicaland nemusi weChina rinonzi harisi kufamba sezvinotarisirwa nekuda kwekushaikwa kwezvikwanisiro.
Izvi zvinonzi zvave kuita kuti pave nekutyirwa kuti vanhu vakavharirwa mumugodhi uyu vanogona kusvika pakurasikirwa nehupenyu sezvo vapinda muzuva retatu vakavharirwa pasi.
Basa iri rinonzi riri kunonotswa nekuda kwetyira kuti mugodhi uyu unogona kudhirika zvakare, izvozvaita kuti vashandi vanonunura vanhu munjodzi vaedze kutanga vatsigiri mwena wekupinda nawo mumugodhi uyu kuitira kuti vakwanise kusvika pasi pane vashandi ava.
Asi mukuru wesanganop reCentre For Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, avo vashanyira mugodhi uyu, vanoti havaoni vashandi ava vachikasika kununurwa nekuda kwekuti hapana zvikwanisiro zvakakodzera zvekushandisa munjodzi dzakadai.
"Equipment yavari kushandisa, eeh, vari kushandisawo mapuranga awari kuedza kushandisa kuti vadzivirire kuti pasave neku collapser zvekare uye kuti vavhure mukana wekuti vanokwanisa kuresikiwa vanobatsirwa. Asi ndinofunga kuti pane zvinofanira kuti zviitwe kudarika zviri kuitika izvozvo," vanodaro VaMaguwu.
VaMaguwu vanotiwi zvavawana zvingadai zvakakonzera kudhirika kwemugodhi uyu ndezvekuti mbambo (pillars) dzakanga dzakasiiwa kuti dzitsigire mugodhi uyu nechepasi dzakaparadzwa dzose nevari kuchera goridhe ava izvo zvakasiya matonera asisina kusimba.
Vanoti vanoona sekunge pakanga masina kutarisiswa kwemashandiro emugodhi uyu kwakakwana.
Mugodhi weRedwing, uyo unonzi ndewenhengo yeZanu PF vari mumiriri weMabvuku-Tafara muparamende, VaScott Sakupwanya pasi pekambani yavo yeBetter Brands, unonziwo zvakare uri pasi pekambani yeMetallon Gold Zimbabwe.
Hatina kukwanisa kubata veMetallon Gold Zimbabwe kanawo VaSakupwanya kuti tinzwe mativi avo pabasa rekununura vashandi ava, si Metallon Gold Zimbabwe yakazivisa kuti ine vashandi vari kubatsirawo mubasa rekununura vanhu iri.
Mugodhi uyu unonzi wakambovhariswa neEMA nekuda kwekuwanda kwetsaona dzaikonzera kurasikirwa kwehupenyu kwevashandi, asi vesangano rinomirira vashandi vemumigodhi, reNational Mine Workers Union of Zimbabwe, rinoti harina ruzivo kuti kuzovhuurwa zvakare kwawakaitwa wakanga wagadzirisa here zvainzi zvigadziriswe.
Your browser doesn’t support HTML5