Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken vange vari kuJordan neQatar nhasi kusangana nevatungamiri venyika dzemuMiddle East nechinangwa chekuti hondo isapararire mudunhu iri.
Mumusangano nemutungamiri weJordan Mambo Abdullah II nevanotungamira Qatar, Emir Sheikh Tamim bin Hamad Al Thani.
America mumisangano iyi inoti iri kuda kuti huwandu hwevanhuwo zvavo vari kufa huderedzwe uye kuti rubatsirwe rwuri kupihwa vanhu huwedzerwe.
VaBlinken vari kutarisirwa kuendawo kuUnited Arab Emirates, Saudi Arabia, Israel, West Bank neEgypt. King Abdullah vati Israel ikaramba ichiita zvekurwisa Hamas zvichapa kuti mudunhu iri musagadzikane.