Mubatanidzwa wehurumende nemasangano akazvimirira oga munyaya dzezvemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvekudya reZimbabwe Vulnerability Assessment Committee kana kuti ZIMVAC, unoti vanhu vanosvika mamiriyoni maviri zviuru mazana manomwe kana kuti 2,7 million vakatarisana nenzara inotyisa.
ZIMVAC inoti kutanga mwedzi uno kusvika muna Kurume, vanhu zvikamu makumi maviri nematanhatu kana kuti 26% vari mumaruva vakatarisana nenzara uye vanoda kubatsirwa nechikafu.
Izvi zviri kuitika kunyangwe hurumende yaimboti matura akazara uye Zimbabwe haidi rubatsiro kubva kuna dzimwe nyika kana masangano anobatsira nechikafu.
Asi mukupera kwegore hurumende yange yave kutenda kuti nekuda kwe kusanaya kwakanaka kwemvura, yainge yotenga chibage kunze kuti ibtatsire vanhu.
Vaimbotungamira sangano reChristian Care, Reverend Forbes Matonga muhurukuro neStudio 7 vakurudzira hurumende kuti ikoshese kurimwa kwezvekudya kwete zvirimwa zvine mari chete zvakaita sefodya.