Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAnthony Blinken avo vari muTel Aviv, vakurudzira mutungamiri wehurumende yeIsrael VaBenjamin Netanyahu kuti mauto enyika yavo aregedze kuuraya vanhuwo zvavo muGaza apo iri kurwisana nechikwata cheHamas.
America inoti haisi kuda kuti hondo ipararire muMiddle East kunyangwe pari kukandiranwa zvombo pakati peIsrael, Syria, Yemen neLebanon
Mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMathew Miller vaudza vatori venhau kuti VaBlinken vasimbisa kuti nyika yavo iri kutsigira Israel mushure mekurwiswa kwayakaitwa neHamas musi wa 7 Gumiguru zvakabva zvapa kuti kurwisana kutange.
Mumusangano wavaita nemutungamiri wenyika yeIsrael VaIsaac Herzog, VaBlinekn vati vakazvipira kusangana nevanhu vane hama dzakapambwa neHamas.
VaBlinken vatiwo vasuma vatungamiri vemuIsrael nezviri kutaurwa nevatungamiri venyika dzavakatanga kushanyira dzinoti Turkey, Greece, Jordan, Qatar, the United Arab Emirates ne Saudi Arabia.
Israel inotiwo haisi kufara nekuendeswa kudare reUnited Nations reInternational Criminal Court ichipomerwa mhosva neSouth Africa yekupara mhosva dzehondo muGaza nekuuraya vasina mhaka.
Bazi rinoona nezvehutano muGaza rinoti vanhu vanodarika zviuri zvivir nemakumi matatu, 23, 000 kunyanya vana nemadzimai, vafa muGaza kubva zvatanga hondo iyi.
Israel inoti chikwata cheHamas chakauraya vanhu chiuru chimwe chete nemazana maviri pachakapinda munyika iyi muna Gumiguru