Zvichitevera kuchema kukuru kwakabva muvana veZimbabwe pamusoro pekukwira kwemitengo yezvinhu kwakanyanya zvichikonzerwa nemitero inonzi yakawandisa iri kubhajeti regore rino, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakazivisa nezvematanho ekubvisa mutero weValue Added Tax, VAT pane zvinodiwa nemunhu zuva nezuva.
Zvinonzi zviri kubviswa mitero zvinhu zvakaita sechingwa, mukaka, mafuta ekubikisa nehupfu.
Asi nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDevry University mudunhu reOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti havaoni mitengo yezvinhu ichidzikiswa nekuti paburitswa gwaro.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachitaura vakazvimirira, Muzvare Happiness Zengeni, vanotiwo matanho akatorwa neMuvhuro naMuzvunafundo Ncube ekubvisa mutero weVAT pane zvimwe zvinodiwa zuva nezuva anoratidza kuti pachine mukana wekuti hurumende iteerere zviri kubva muvanhu, asi vachiti havaoni izvi zvichimisa kukwira kwemitengo yezvinhu.
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDurban Univeristy kuSouth Africa, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti vakagara vayambira hurumende kubva zvaparurwa bhajeti iri gore rapera kuti mitero iyi ichaomesera veruzhinji, asi dambudziko nderekuti hurumende haina wainoteerera.
Asi vanoti vanofara zvavo kuti VaNcube vazotendeuka nekuti vaona chiedza.
Asi VaNcube vanogona here kungomuka vachiti vave kubvisa mutero pane zvimwe zvinhu tichiona kuti bhajeti ra 2024 rakapasiswa neparamende?
Muzvare Zengeni vanodzoka vachiti izvi hazvidi hazvo paramende.
Izvi zvinotsinhirwa nevanokokera nhengo dzebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change muparamende, VaClifford Hlatwayo, avo vanoti hongu mutero uyu unogona kubviswa kuburikidza nemutemo unoshanda kwenguva pfupi, kana kuti Statutory Instrument, asi vachiti zvinozongosvika chete kuparamende.
VaHlatwayo vanotiwo vakagara vakataura kare kuti mitero iyi icharemedza vana veZimbabwe asi vehurumende vakaramba vakaisa zvimiti munzeve.
Vanokokerawo nhengo dzeZanu PF muparamende, VaPupurai Togarepi, vanotiwo vachitarisa mashoko akaburitswa naVaMthuli Ncube nezuro, hapana panoratidza zvapo kuti vari kuda kuchinja mutemo weFinance Act, vachitiwo kana paine chingada kushandurwa vanoona chichishandurwa ne Statutory Instrument.
Mugwaro ravakaburitsa neMuvhuro iri, VaNcube vakazivisawo kuti zvimwe zvakaita senyama, mupunga, sipo yekugezesa, sipo yekuwachisa, mushonga wekugezesa mazino nemafuta ekuzora zvakaendeswa kuchikamu chinobvumidza kuti zvikwidzwe mutengo nemari iri pasi pasi.
Gurukota rezvemari rinonzi rinobvumidzwa nemutemo weFinance Act kutora matanho akadai.
Bazi rezvemari rinonzi rakaumba komiti yainzwa zviri kubva muvanhu pamwe nevemabhizimusi pamusoro pemitero mitsva yakadzikwa kuburikidza nebhajeti idzva iri.
Svondo rapera Zimbabwe Revenue Authority, yakazivisa nezvematanho matsva anobvumidza chete vemahorosero vanotera mitero kuti ndivo vanovatenga chete kubva kune vanogadzira zvinhu.
Asi pasi peshanduko yakaziviswa naVaNcube iyi, vezvitoro vane magwaro ekutera uye vakanyoresa neVAT vanonzi vanenge vave kubvumidzwawo kutenga kubva kune vanogadzira zvinhu vasingasungirwi kutenga kumahorosero.
Hurumende inonzi nevamwe iri kutsvaga mari nedemo izvo zvakaita kuti idzike mutero weValue Added Tax (VAT) wezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana, 15 percent, pamusoro pemimwe mitero yakawanda yakatanga kushanda kutanga kwegore rino.
Asi vanobhadhara mitero, kunyanya vashandi, vari kuchema kuti mihoro yavo haisi kukwira zvinofambirana nemitero yavari kubhadhariswa.
Your browser doesn’t support HTML5