Vamwe Votyira Kuti Danho reAmerica Rekugeza Maoko paZvikwereti zveZimbabwe Richaremedza Veruzhinji neMitero

  • Jonga Kandemiiri

Vakafanobata chigaro chemumiriri weAmerica muZimbabwe, Amai Ellaine French.

Vamwe vana veZimbabwe vanoti vari kushushikana nedanho rakaziviswa neChitatu nemuzinda weAmerica muZimbabwe, rekuti hurumende yeAmerica yabuda munhaurirano dzekupana mazano neZimbabwe kuti patsvagwe nzira dzekuti ingabhadhara sei zvikwereti zvainazvo kumabhanga nevamwe vanobatsira.

Vari kushushikana ava vari kuti izvi zvichatoita kuti vana veZimbabwe varemedzwe zvakanyanya nemitero yakawanda uye iri pamusorosoro yakadzikwa negurukota rezvemari Muzvanafundo Mthuli Ncube mubhajeti regore rino.

Vakamirira muzinda weAmerica muZimbabwe, Amai Elaine French, vakazivisa nezvedanho iri muhurukuro yavakaita neStudio 7 muHarare, vachiti America yambomira kupinda munhaurirano dzekubatsira Zimbabwe nemazano ekuti ingadzosere sei zvikwereti zvainazvo, kana kuti High Level Debt Resolution Forum: Arrears and Clearance and Debt Resolution Process.

Amai Frenhc vakapa zvikonzero zvekuti Zimbabwe haina kufambisa sarudzo dzemuna Nyamavhuvhu gore rapera zvakanaka.

Zimbabwe inonzi ine chikwereti kunyika nemasangano ekunze chinosvika mabhiriyoni gumi nemaviri ane mamiriyoni mazana manomwe emadhora ekuAmerica, kana kuti US$12, 7 billion, uye chikwereti munyika chinosvika mabhiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica, kana kuti US$5 billion.

Zimbabwe ine zvikwereti kunyika gumi nenomwe dziri mugungano reParis Club, umo mune nyika makumi maviri dzinosanganisira America, Canada, Australia nedzimwe.

Ine zvikweretiwo kubhanga reAfrica Development Bank nekuEuropean Investmnent Bank.

Kutadza kubhadhara zvikwereti izvi kuri kupa kuti Zimbabwe isakwanise kuwana zvimwe zvikwereti zvitsva kubva muna 2022.

America inoti Zimbabwe yaive yavimbisa kuita sarudzo dzakachena senzira yekuti ibatsirwe kubhadhara zvikwereti zvayo, asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF mudunhu reBritain, Doctor Masimba Mavaza, vanoti America iri kutora danho iri nekuda kwekuti zvayaida zvekushandura hurumende ichiisa yainoda hazvina kubudirira.

Doctor Mavaza vanoti sarudzo dzemuna Nyamavhuvhu dzakafamba zvakanaka chose kunyange hazvo paive nezvimhingamipinyi zvakakonzerwa nezvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika neAmerica yacho.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari mukuru wesangano reAll Hands On Justice, VaKennedy Masiye, vanotiwo ikodzero yeAmerica kuita zvainoda, nekudaro danho rayakatora iri harifanirwi kurwadza veZanu PF sezviri kuoneka nekutuka kwavari kuita.

Asi VaMasiye vanoti manyepo eZanu PF ekuti sarudzo dzakafamba zvakanaka uye kuda kupomera mhosva kuzvirango sezvo zvakaonekwa nemasangano akawanda akaongorora sarudzo kuti hadzina kufambiswa zvakanaka.

Vanoti vanoona sekunge Zanu PF nehurumende vave kuramba vachitsvaga nzira dzinoita kuti varambe vari pazvirango kana kutorerwa matanho neAmerica kuitira kuwana chekuhwanda nacho.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKennedy Masiye pamwe naDoctor Masimba Mavaza