Vamwe muMaruwa Vosiya Kumira neKurima Chete Vachipinda Mune Mamwe Mabasa Anokasika Kuvapa Mari

Vamwe vave kupinda mukukanya zvitinha vachitengesa pane kumira nekurima chete.

Vamwe vagari vekumaruwa, kusanganisira nevakagariswa patsva, vave kurarama nemabasa asineyi nezvekurima nekuda kwekushaya zvikwanisiro zvekurimisa pamwechete nemari shoma yavanowana kubva mukurima.

Kunyange hazvo izvi zvisiri zvitsva, makore ano zvinenge zvawedzera nekuda kwezvikonzero izvi pamwe nezvimwe zvinosanganisira kusanaya zvakanaka kwemvura.

Mumwe akagariswa patsva kuMhangura mudunhu reMashonaland West, VaBothwell Kachere, vanoti mari yavanopihwa neGrain Marketing Board-GMB kana vachinge vatengesa chibage chavo ikoko ishoma zvekuti vari kutadza kudzokera mumunda, nekudaro vave kutsvaka imwe mari kuburikidza nekukanya zvitinha sezvo mumunda mavo muine zvuru zvakawanda.

Munda wechibage.


“Mari yekurima yatinopihwa neGMB haikwanise kuti tidzokere kumunda zvekuti tave kutokanya zvitinha,” VaKachere vanotsanangura.

Mumwe ave kurarama nebasa risineyi nekurima ndiVaJacob Mamvura vekuShamva mudunhu reMashonaland Central.

VaMamvura vanoti vakatenga muchovha unotakura vanhu kubva kuShamva kuenda kuBindura izvo vanoti zviri kuvapa mari inoita madhora ekuAmerica makumi matatu, kana kuti US$30.00 pazuva mushure mekunge vabvisa mafuta ekufambisa, mari yavanoti inokunda yavaiwana mukurima.

“Ndakatosiya zvekurima, ndakatenga tsviriyo yangu yave kundipa mari kudarika kurima ndaitopedza nguva yangu,” VaMamvura vanotsanangura.

Mumwe mugari wekuMhondoro mudunhu reMashonaland West, VaKundai Zimindo, vanoti kutadza kuwana mari yechikwereti kumabhanga yekuti vakwanise kurimisa ndizvo zvakaita kuti vadzokere kubasa rekusona hembe pataundishipi paMamina.

“Kurima kunotoda mari yechikwereti chekubhanga sezvaiita varungu asi mabhanga havadi kupa varimi vechitema zvikwereti,” VaZimindo vanochema chema.

VaGilbert Muponda


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neGIMRI, VaGilbert Muponda, vanoti pane dambudziko guru kana vanhu votadza kushandisa ivhu ravakapihwa kuti varimire nyika vachiita mabasa asineyi nekurima.

“Pane dambudziko guru kana vanhu votadza kurima minda yavakapihwa kuti varimire nyika vave kuita mamwe mabasa asineyi nezvekurima,” VaMuponda vanotsanangura.

VaMuponda vanoti dambudziko guru ndere kuti mari inobhadharwa zvirimwa ishoma zvekuti varimi vanotoda kutsvaka imwe mari kuti vakwanise kudzokera mumunda.

Vanoti rimwe dambudziko nderekuti nguva yekurima mwedzi mishoma kana murimi asina mvura yemadiridziro, nekudaro mimwe mwedzi vanozoipedza vave kuita mamwe mabasa akaita sekukanya zvitinha kana kutyaira michovha.

“Izvi zvinokonzerwa ne kurima nguva inenge ichinaya mvura chete inova mwedzi mishoma, vanhu vanozoita mamwe mabasa akaita sekukanya zvitina uye varimi vanowana mari shoma isingakwane zvavanoda kana kudzokera kumunda kana vatengesa zvirimwa zvavo” VaMuponda vanotsanangura

Gurukota rezvemaindasitiri, Amai Sithembiso Nyoni, vanoti hapana chinoshamisa kuti vanhu vekumaruwa vararame vachiita mabasa asineyi nekurima nekuti zvavanenge vachiita zvinoita kuti hupenyu hwevanhu hufambire mberi.

Amai Nyoni vanoti kuita mabasa anopa mari kwevanhu vari kumaruwa kana kumapurazi zvinoitwa munyika dzose uye vanhu havararame nekurima chete asi nezvimwe.

“Vanhu vari kumaruwa havararame nekurima chete kwave kuitwa zvakawanda kwave nekuvakwa kwema industry kumaruwa kuri kuitika nechiyero chepamusoro” Amai Nyoni vanozivisa.

Amai Sithembiso Nyoni.


Izvi zvinotsigirwa naMuzvinafundo Ntobeka Ndlovu, vanodzidzisa zvidzidzo zvebudiriro, kana kuti Development Studies, pachikoro chikuru cheNational University of Science and Technology, NUST, avo vanoti zvisineyi nezvikonzero, pose panogara vanhu pane zvavanoda kuitirwa nevamwe kana kuti ma services.

“Rural non-farm enonomy yakakosha zvikuru kuhupfumi zvekumaruwa nekuti mari yainopa inomirira chikamu chikuru muhupenyu hwevanogara kumaruwa” VaNdlovu vanozivisa.

Mabasa asineyi nekurima kumaruwa anonzi akanakira kusimudzira hupfumi hwenharaunda, kuderedza hurombo, kuwanisa vanhu mabasa pamwe nekuderedza huwandu hwevanhu vanoenda kumadhorobha kunotsvaka mabasa kana kuti rural-urban migration.

Mumatunhu akawanda, vakawanda, zvikuru vechidiki, vave kurarama nekuchera zvicherwa zvakaita segoridhe kana mangoda, izvo zvisineyi nekurima.

Gore rino kunonoka kunaya kwemvura mumatunhu akawanda kunonzi nevamwe kuchaita kuti mabasa emaoko awedzera sezvo vanhu vanenge vachitsvaga cheuviri.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Nunurai Jena