VaSengezo Tshabangu Vanoramba Mashoko eKuti Vasvitsa Chikumbiro kuHigh Court Kuti Imise Vari Kuda Kukwikwidza Pasi peCCC

  • Jonga Kandemiiri

VaSengezo Tshabangu negweta ravo, VaNqobani Sithole.

Vari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC, VaSengezo Tshabangu, varamba mashoko ari kutenderera ekuti vasvitsa chikumbiro chechimbichimbi kudare repamusoro reHigh Court, vachida kuti vanhu makumi maviri nevatatu vari kuda kukwikwidza musarudzo dzema by-election emusi wa 03 Kukadzi vari pasi pebato reCCC varambidzwe kukwikwidza vachiti havachisiri nhengo dzebato ravo.

VaTshabangu vaudza Studio 7 kuti vane hurongwa hwakadaro asi vachiti havasati vaendesa magwaro avo kudare.

Vanga vati tigozovabata pashure asi vanga vasisadaire nharembozha yavo.

Vamwe venhengo dzeCCC dziri kunzi dziri kuda kurambidzwa naVaTshabangu kukwikwidza vanosanganisira VaOstalos Siziba, avo vari kuda kukwikwidza kuPelandaba-Tshabalala pamwe naVaAmos Chibaya, avo vari kuda kukwikwidza kuMkoba North.

Izvi zvinotevera kunyoresa kwakaitwa nedzimwe nhengo dzeCCC nedare reNomination Court muna Zvita gore rapera dzichiti dziri kuda kukwikwidza zvakare dziri pasi pebato iri, kunyange hazvo dzakanga dzadzingwa muparamende nemakanzuru naVaTshabangu.

Asi dzimwe nhengo dzebato iri dzakanyoresa kuti dzikwikwidze dzakazvimirira.

VaTshabangu vanonzi vane hurongwa hwekuisawo Zimbabwwe Electoral Commission mumagwaro avo ekudare aya.