Russia Television inoti ngarava yakatakura matani zviuru makumi maviri nemashanu kana kuti 25 000 tonnes echibage, gorosi nechimwe chikafu chakapihwa Zimbabwe neRussia pachen yasvika kuMozambique.
Zimbabwe iri pakati penyika nhanhatu dzakapihwa zvekudya neussia gore rapera kumusangano weRussia Africa summit.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvare Chenai Mutambasere vanoti zvaitwa neRussia zvekubatsira nyika dzemuAfrica zvakanaka asi iyo ndiyowo yakakonzera kuti dambudziko rezvekudya muAfrica riwedzere nekurwisa Ukraine. Nyika dzakawanda dzemuAfrica dzinotenga chibage kuUkraine.
Dzimwe nyika dzakapihwa chibage ichi dzinoti, Burkina Faso, Central African Republic, Eritrea, Mali neSomalia.
Zimbabwe ichapihwa zvimwe zviuru makumi maviri nemashanu zvezvekudya izvi neRussia. Nyika yakatarisana nenzara inotyisa gore rino nekuda kwekunonoka kunaya kwemvura.
World Food Programe inoti vanhu mamiriyoni maviri nezviuru mazana manomwe kana kuti 2,7 million vakatarisana nenzara inotyisa munyika.
Your browser doesn’t support HTML5