Mikono Yowa neKutatarika kuAfrica Nations Cup

Cape Verde's midfielder #10 Jamiro Monteiro (L) kicks to score his team's first goal next to Ghana's goalkeeper #1 Richard Ofori (R) during the Africa Cup of Nations (CAN) 2024 group B football match between Ghana and Cape Verde at the Felix Houphouet-Boi

Kumakwikwi eAfrica Nations Cup ari kuitirwa kuIvory Coast, mimwe mikono yakadonhedzwa mumitambo yekutanga uye mimwe iri kutatarika.

Nyanzvi munyaya dzezvemitambo Thandazani Zimbwa anoti zviri kuitika izvi munongedzo wekuti mukaha pakati pezvikwata zvikuru nezvidiki uri kuvharika. Nezuro Cameroon iri kutarisirwa nevamwe kuti inogona kusimudza mukombe uyu yakaita mangange neGuinea 1-1.

Guinea yaive nevatambi gumi muchikamu chechipiri sezvo mumwe mutambi wenyika iyi ainge apihwa kadhi dzvuku. Algeria iyo inotorwa sechikwata chepamusoro yakaitawo mangange neAngola 1-1.

Sadio Mane

Senegal, iyo ine mukombe uyu parizvino yakakunda Gambia 3-0. Ghana yakakatyamadza vanhu vakawanda mushure nekurohwa 2-1 neCape Verde. Nigeria yakatatarikawo apo yakaita mangange 1-1 neEquatorial Guinea.

(FILES) Nigeria's Victor Osimhen

Egypt yakabuda nepasaka reshumba mushure mekunwisa munguva yakawedzerwa ndokuzoita mangange 2-2 neMozambique. Ivory Coast yakarova Guinea Bissau 2-0.

(FILES) Egypt's forward Mohamed Salah

Nezuro, ghana yakarohwa 2-1 necape verde ukuwo egypt ikapona nepasaka reshumba mushure mekuita mangange nemozambique. Nhasi senegal yarova gambia 3-0.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naThandazani Zimbwa