America Yorangarira Mabasa Akabatwa naDr Martin Luther King

Obit Muhammad Ali

Nemusi weMuvhuro wechitatu mumwedzi waNdira gore roga roga, America inocherechedza nekurangarira mabasa akaitwa negamba rakarwira kodzero dzevanhu Reverend Doctor Martin Luther King Junior.

Dr King vaive mufundisi mukereke yeBaptist kuAlabama uye vaitungamira kurwira kodzero dzevatema muAmerica.

Musi wa 15 Ndira, nezuro, dai vasina kupfurwa nekuurayiwa, vangadai vakapemberera kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nemana.

Martin Luther King

Mushure mekunge hondo yekurwisana muAmerica pakati pemapato akasiyana emunyika iyi yapera muna 1865, kana kuti “civil war” uye nyaya yekubata vatema senhapwa yanzi haisi pamutemo, vatema vakatanga kuratidzira kuti vapihwe kodzero dzavo.

Kwainge kuine mamwe matunhu aibvumidza rusaruraganda. Vatema vairatidzira vachida kuti mitemo ivandudzwe vairohwa zvakaipisisa nemapurisa.

Martin Luther King Jr. was photographed by Alabama cops

Asi Dr King vakazvipira kutungamira kurwira kodzero dzevatema vachitevedzerawo zvaiitwa naMahatma Gandhi wekuIndia. Gandhi airatidzira zvisina mhirizhinga mukati kunyangwe vaitonga vaishandisa mhirizhonga.

Kunyangwe vaishungurudzwa zvakanyanya, kushinga kwaDoctor King kwakapa kuti mutemo uvandudzwe muna 1964 (Civil Rights Act of 1964) wakarambidza rusaruraganda mumabasa nenzvimbo dzekutandarira.

FILE - Martin Luther King Jr.

Asi Doctor King havana kuwana nguva yekunyatsopemberera sezvo vakapfurwa vakafa musi wa 4 Kubvumbi 1968 vave nemakore makumi matatu nemapfumbamwe. Mabasa avakabatwa achiri hawo kurumbidzwa pasi rose.

Biden Selma

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vati, “Nhasi vanhu vemarudzi ose vari kuenderera mberi nekufora, vachisimudza izwi kupikisa vanoda kutonga zvehumbimbindoga, kurwisa ruvengo, nerusaruraganda, kurwira kodzero yekuvhota, kurwisa kuti vanhu vasasarurwe pamabasa, munyaya dzezvehutano, dzimba uye dzidzo.”

Vanoenderera mberi vachiti, “Pazuva ranhasi, tinorangarira mabasa akabatwa nemurume akakurudzira nyika yeAmerica nepasi rose kuti idzamise pfungwa ifungisise nezverusarura.