America Yapa Zimbabwe US$11, 27 Million yeKutenga Zvekudya

An official from the U.N. World Food Program inspects a donation of $11 million worth of food aid in Harare, Zimbabwe, Jan 17. 2024.

Sangano reUnited States Agency for International Development kana kuti USAID rapa Zimbabwe rubatsiro rwemari inodarika mamiriyoni gumi nerimwe kans kuti US$ 11, 27 million mukubatsira kuwanisa vanhu zvekudya.

Mukuru weUSAID muZimbabwe, Amai Janean Davisi, vaudza vatori kuti mari iyi ichabatsira mhuri zviuru mazana makumi maviri nematatu kana kuti 230, 000 munzvimbo dzinoti Mwenezi, Mangwe, Chivi ne Buhera kutanga mwedzi uno kusvika muna Kurume.

Komiti yemubatanidzwa hwehurumende nemasangano akazvimirira oga yeZimbabwe Vulnerability Assessment Committee (ZimVAC) inoti mumwedzi mitatu yekutanga kwegore, vanhu zvikamu makumi maviri nematanhatu kana kuti 26% vari kumaruwa vanoda kubatsirwa nechikafu chinodarika matani zana rezviuru kana kuti 100, 000 metric tonnes.

Vanhu vachada rubatsiro mugore rino vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana manomwe kana kuti 2,7 million.

Izvi zviri kukonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti El Nino.

Vachitaurawo pachiitiko chanhasi, mumiriri weWFP muHarare Amai Francesca Erdelmann vanoti chinangwa chavo ndechekuona kuti hapana munhu achafa nenzara gore rino.

WFP inotiwo ichashanda nevanhu kumaruwa kuona kuti hupenyu hwavo hunoita zviri nani munguva ye nzara kuburikidza nekuchera zvibhorani, madiridziro uye mbeu dzinokwanisa kukura kana kuine mvura shoma. Kuzvika parizvino, USAID yapa Zimbabwe mari inodarika mamiriyoni makumi maviri nemana kana kuti US$24, 3 million.

Gurukota rinoona nezvemagariro evanhu VaJuly Moyo vakatozivisa kuti vachashanda neWFP kubatsira vasina zvekudya kutanga nevakanyanya kuomerwa nezvinhu. Hurumende inoti ichabatsira matunhu makumi mashanu nematanhatu ukuwo WFP ichibatsira matunu mana.

Matunhu akanyanya kutarisana nenzara iMatabeleland North, Mashonaland Central neMazsvingo. Nzvimbo dzine dambudziko rakakurisa iBinga, Kariba, Mt Farwin, Umguza neMangwe.

Zvichakadaro, mutungamiri wenyika VaEmmerson Manngagwa vadzoka kuzororo ravo repagore vachibva vatambidzwa chipo chematani makumi matatu echibage nerumwe rubatsiro nekambani ye N Richards. Chikafu ichi chichapihwa varombo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya