Bazi rezvekuchengetedzwa kwemhuka rinoti riri kushushikana zvikuru nekufa kuri kuita nzou mumasango enyika.
Nzou idzi dzakafa kubva muna Nyamvhuvhu kusvika muna Zvita.
Mutauriri webazi iri vaTinashe Farawo vati nzou dziri kufa nekushaya mvura nekuda kwekushandukwa kwemamiriro ekunze uye kuisirwa muchetura nevanovhima zvisiri pamutemo.
Pane mashoko ekuti nzou dzafa kubva gore rapera dzasvika zana nemakumi matanhatu. VaFarawo vatenda kuti nzou dzakawanda dzafa gore rino kudaika mamwe makore.
Nzou dzakawanda dziri kuHwange National Park. Kanzura weward 18 kuDete, kuHwange pedyo nemune mhuka VaStanley Torima vaudza Studio 7 vaudza Studio 7 kuti nzou idzi dziri kukanganisawo vanhu dzichinotsvaga mvura pedyo nemisha.
Your browser doesn’t support HTML5