Mamwe madzimambo munyika anoti haasi kufara nemafambisirwo ari kuitwa chirongwa cheZunde raMambo.
Kubva pasi chigare madzimambo aive neminda inonzi Zunde raMambo inorimwa mbesa dzakasiyanasiyana dzinozokohwiwa dzichiiswa mumatura anenge ari pamisha yemadzimambo, umo dzinozotorwa nenguva yakafanira dzichipihwa kushirikadzi, nherera, vakaremara pamwe nevamwe vagari vanenge vasina kukohwa zvakanaka.
Vagari vemudunhu ndivo vanoita madzoro ekuenda kunoshanda muminda inenge iine zvirimwa zvakasiyanasiyana zvinosanganisira chibage, mhunga, zviyo nezvimwe.
Asi mamwe madzimambo anoti chirongwa ichi hachichafambi sezvinotarisirwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyanasiyana zvinosanganisira zvekuti minda yeZunde raMambo yave midiki kana zvichienzaniswa nevanhu vave kuda ruyamuro, uye mbeu nefotireza zvinopihwa nehurumende zvave zvishoma.
Pamusoro pazvo, madzimambo aya anotiwo vanhu havachada kuenda kunorima, kudyara, nekukohwa sezvaiitika nguva yakare.
Mambo Ngezi vedunhu reMhondoro kuMashonaland West, VaPeter Pasipamire, vanoti mbeu yavari kupihwa nehurumende ishoma zvikuru zvekuti vakakwanisa kupihwa mbeu nefotireza zvemahekiteya mashanu chete pamahekiteya gumi eZunde raMambo redunhu ravo.
“Mbeu yatinopihwa inoda kuwedzerwa kuti tikwanise kuyamura vagari vakawanda” Mambo Ngezi vanozivisa.
Izvi zvinotsigirwa naMambo Zimunya vedunhu reManicaland, VaNimrod Zimunya, avo vanoti mbeu nefotireza zvavari kupihwa zvishoma asi vagari vanoda ruyamuro rwezvekudya vari kuramba vachiwanda nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura pamwe nekuwedzerawo kwedzimhuri dzisiri kukwanisa kukohwa zvakanaka.
“Mbeu nefotireza zvinoda kuwedzerwa kuti tirime ndima yese yatakapihwa yeZunde raMambo,” Mambo Zimunya vanotsanangura.
VaEnergy Wilson vanove mugari wekuMakonde kuMashonaland West vanoti vakawanda havachaenda kunorima kumunda weZunde raMambo sezvo kurima rave bhizimisi zvinosiya munhu achimhanyira kurima kumunda kwake.
“Kurima rave bhizinisi zvekuti vanhu vapedza nguva vachirima minda yemadzimambo hazvichaite sezvo munhu anenge achirima mumunda wake,” VaWilson vanotsanangura.
Ishe Nemakonde vedunhu reMakonde kuMashonaland West, VaWilson Nemakonde, vanoti kusarimwa kweminda yemadzimambo nevagari zviri kukonzerwa nekusangana kwevanhu vakawanda kubva kunzvimbo dzakasiyanasiyana izvo zvave kukanganisawo tsika nemagariro mumatunhu akawanda.
“Vanhu vave kubva kunzvimbo dzakasiyanasiyana izvo zvave kuita kuti vasateerere madzimambo enzvimbo dzavagere,” Mambo Ngezi vanotsanangura.
Gurukota redunhu reMashonaland West, Amai Marian Chombo, vanobvuma kuti chichemo chenzvimbo yekurima nezvikwanisiro zvekurimisa kubva kumadzimambo chakasvika kuhofisi yavo, uye vari kuongorora nyaya yacho.
Amai Chombo vanoti pari zvino vari kuwanisa mbeu nefotereza zvehurumende kubva paZunde raSabhuku kusvika kuZunde raMambo, sezvo vari ivo vanogara nevanhu, asi vachiti zvishoma.
“Zvichemo zvemadzimambo takazvinzwa iye zvino tiri kuvapa mbeu nefotireza muzvirongwa zvehurumende kuti vabatsirike,” Amai Chombo vanotsanangura.
Amai Chombo vanoti vachawedzera nzvimbo dzekurima nezvikwanisiro kumadzimambo edunhu ravo kana vavabvakachira vaona zvinhu zvavanoda sezvo zvichisiyana namambo mumwe nemumwe kuti chichemo chake ndecheyi.
“Ndichafamba mumadzimambo nguva inotevera kuti ndinzwe zvichemo zvavo mumwe nemumwe sezvo zvichemo zvavo zvichigona kusiyana,” Amai Chombo vanoenderera mberi.
Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaWinston Chitando, vanobvumawo kuti madzimambo anochengeta vanhu vakawanda nekudaro vachaongorora nzvimbo dzavanadzo nedonzvo rekudzikudza uye kuti vagorimirwa minda yavo nehurumende kuburikidza nebazi reDistrict Development Fund kana kuti DDF.
Gurukota rezveminda, Doctor Anxious Masuka, vanoti madzimambo anoda kuwedzerwa minda anofanirwa kunyorera kubazi ravo iro rinoongorora chichemo chimwe nechimwe kuti zvinokodzera here?
“Hapana dambudziko madzimambo anonyora matsamba ekuwedzerwa minda kana iripo vanopihwa asi zvinotanga zvaongororwa,” Dr Masuka vanozivisa.
Asi vamwe vakaita saVaTito Machiridza, vanoti nyaya dzeZunde raMambo hadzichashanda kubva pakagariswa vanhu patsva, izvo zvave kuita kuti vanhu vazvishandire muminda yavo chete.
“Nyaya yekugariswa patsva yakakanganisa magariro ekare ekuti vanamambo vanoyamura vagari nezvekudya kubva muminda yeZunde raMambo,” VaMachiridza vanotsanangura.
Vamwe vanotiwo nekuda kwebazi rinoyamura vagari nezvekudya kana kuti social welfare, madzimambo akatorerwa basa rekuyamura vagari nezvekudya zvichaita kuti nyaya dzemaZunde aMambo dziparare.
Asi haasi matunhu ose ari kusangana nematambudziko ekusimudzirwa kweZunde raMambo sezvo chirongwa ichi chiri kutomutsiridzwa nemamwe madzimambo mumatunhu akawanda.
Mamwe madzimambo anonzi ari kumutsiridza nekusimbisa chirongwa ichi anosanganisira Mambo Nyajinha vedunhu reUzumba naMambo Mangwende vekwaMurehwa kuMashonaland East.
Chirongwa ichi chinonzi chinobatsirawo kupedza nyaya dzekushungurudzana mudzimba kunokonzerwa nenzara sezvo mhuri dzichikwanisa kuwaniswa chikafu.
Your browser doesn’t support HTML5