Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muBritain zviri kuronga kuratidzira pamuzinda weZimbabwe munyika iyi neMuvhuro zvichinyunyuta nekwazvinoti kutyorwa kwekodzero dzenhengo yeCCC uye vaimbove mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala nehurumende.
Kuratidzira uku, uko kunonzi kuri kurongwa nevana veZimbabwe vanorwira kodzero dzevanhu, kunonzi kuchaitwa pamuzinda weZimbabwe nenguva dza 12 masikati apo varatidziri ava vachasiya gwaro renyunyuto.
Murwiri wekodzero dzevanhu, VaMakomborero Haruzivishe, avo vari kuKent kwakare kuBritain, vanoti vachange varipowo pakuratidzira uku neMuvhuro vachiti hakuna kungonangana nekuti VaSikhala chete vaburitswe mujeri, asi vose, kusanganisira nhengo dzeMthwakazi, vanofanirwa kuburitswa.
VaSikhala neMuvhuro vari kusvitsa mazuva mazana mashanu nemakumi masere nemanomwe (587) vari muhusungwa kujeri reChikurubi Maximum Prison, uko vanoti vari kuchengeterwa pavo voga mukamupanda kadikdiki.
VaSikhala vari kupomerwa mhosva dzakasiyana siyana asi havasati vawanikwa vaine kana mhosva imwe pamhosva dzose idzi.
Hatina kukwanisa kubata mumiriri we Zimbabwe mu Britain VaChristian Katsande kuti tinzwe maonero avo pahurongwa uhu.
Your browser doesn’t support HTML5