Vamwe Varairidzi Vanoti Vachatanga Kuratidzira Nhasi

Vamwe varairidzi vanoti kutanga nhasi Ndira 22 havasi kuenda kubasa

Varairidzi vari pasi pemubatanidzwa wemasangano anovamiririra weFederation of Zimbabwe Educators Unions kana kuti FOZEU vanoti kutanga nhasi havasi kuzoenda kubasa sezvo vasisina zvikwanisiro.

Vanoti hurumende haina kuwedzera mari yavo yemihoro kunyangwe vari kuti mitengo yezvinhu iri kuwedzerwa zvakanyanya uye dhora remunyika richiramba richishaya simba.

Varairidzi vakaendesa tsamba yenyunyuto kubazi rezvevashandi svondo rapera, asi kusvika parizvino vanoti havana kupihwa mhinduro.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi VaJuly Moyo kuti tinzwe divi ravo.

Asi mutauriri mubazi rezvedzidzo yepasi VaTaungana Ndoro vaudza Studio 7 kuti havana ruzivo rekuti pane varairidzi vari kuda kukanda mapadza pasi.

Mutungamiri wesangano reFOZEU Muzvare Tafadzwa Munodawafa nemutungamiri wereAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe vari nhengo yeFoZEU, VaObert Masaraure vaudza Studio 7 kuti kuisa zvimiti munzeve kwehurumende ndiko kwapa kuti vatore danho rekumbomira kudzidzisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Obert Masaraure.mp3