Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaAnthony Blinken vanoti America yakagadzirira kusimudzira hukama hwayo neAfrica uye kuona kuti dunhu iri rivewo pamatare anozeyiwa nyaya dzakakosha pasi rose.
VaBlinken vataura mashoko aya mumusangano wavaita nemutungamiri weNigeria, VaBola Tinubu kuAbuja muNigeria. Vasvika munyika iyi nhasi.
America inoti iri kushushikana nekupidigurwa kwehurumende munyika dzekumawirira kweAfrica dzinosanganisira Mali, Guinea, Niger neBurkina Faso
VaBlinken vashanyirawo Ivory Coast vakaita musangano nemutungamiri wenyika yeIvory Coast VaAlassane Ouattara vakataura nezvekudyidzana munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.
America yati ichapa Ivory Coast nedzimwe nyika mari inosvika mamiriyoni makumi mana nemashanu kana kuti US$45 million yekuunza runyararo nekugadzikana.
Izvi zvasvitsa mari yapihwa dunhu iri neAmerica pamamiriyoni mazana matatu kana kuti US$300 million.
VaBlinken vakataurawo parunhare nemutungamiri weDRC VaFelix Tshisekedi nezvegakava rave munyika mavo panyaya yesarudzo dziri kunzi dzakabirirwa. Vachapeta rwendo rwavo kuAfrica nekushanyira Angola.
Your browser doesn’t support HTML5