Magweta anorwira kodzero dzevanhu, eZimbabwe Lawyers for Human Rights, neChipiri akakwanisa kuburitsa muhusungwa vagari makumi matanhatu nevatanhatu vekuMutirikwi mudunhu reMasvingo vakasungwa neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo une chekuita nemvura, weWater Act.
Hurumende yakamirirwa naVaTrust Mvurume vekuZimbabwe National Water Authority, ZINWA, iri kupomera vagari ava mhosva yekuzvigadza muminda iri kumahombekombe kwedhamu reMutirikwi zvisiri pamutemo kubva muna 2000.
Asi vagari ava, avo vanosanganisira vamwe vane makore anodarika makumi manomwe, vanoti madzisekuru avo aigarawo munzvimbo yavagere iyi uye ndimo mune makuva avo.
Mutongi wedare ramejasitiriti muMasvingo akazopa vagari ava mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo mushure mekuvabhadharisa mari yechibatiso inoita zana rezviuru zvemadhora emunyika pamunhu, pamusoero pekugara panzvimbo dzavakanyoresa kumapurisa kusvika nyaya iyi yapera.
Gweta riri kumirira vasungwa ava, vari nhengo yesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaFrank Chirairo, vanoti vasungwa ava vakanzi vadzoke zvakare kudare Muvhuro unouya apo panotarisirwa kutanga kutongwa kwenyaya iyi.
VaChirairo vanoti zvinorwadza kusungwa kwakaitwa vagari ava, uye havana ruzivo rwekuti chii chichaitika kwavari kana vakawanikwa vaine mhosva, kana kuti vakanzi vabve munzvimbo dzavagere havana ruzivo rwekuti vachanzi vanonogara kupi?
Your browser doesn’t support HTML5