ZIMSEC Yazivisa nezveMari dzeKunyora Bvunzo dzeO' ne A' Level

Zimsec Logo

Kanzuru inoona nezvebvunzo munyika reZimbabwe School Examinations Council (ZIMSEC) razivisa mari dzichabhadharwa kunyora bvunzo dzegore rino dze O' level ne A' level.

Vana veO' Level vari kubhadhara madhora ekuAmerica makumi maviri nemana kana US$24 pachidzidzo choga choga ku A' Level vachibhadhara madhora makumi mana nemasere kana US$48.

Kanzuru iyi inoti hurumende ichabatsira vana vanodzidza muzvikoro zvehurumende nezvekanzuru kubhadhara imwe mari. PaO' Level hurumende iniobhadhara zvikamu makumi matanhatu nemashanu kubva muzana kana kuti 55% pazvidzidzo zvinomwe.

Asi paA' Level hurumende inobhadara zvikamu zvimwe chetezvo asi pazvidzidzo zvina kusanganisira Communication Skills.

Mutauriri weZIMSEC, Muzvare Nicky Dhlamini vaudza Studio 7 kuti mari dziri kubhadharwa gore rino hadzina kusiyana zvakannyanya nedzegore rapera.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti pachitariswa mari inotambirwa nevabereki nekushaya simba kwedhora remunyika pane mutsauko mukuru.

Vanononoka kubhadhara mari idzi vanobhadhariswa imwe pamusoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Muzvare Nicky Dhlamini