United States Agency for International Development (USAID) yapaFood And Agricultural Organisation (FAO) mari inosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri zvemadhora ekuAmerica (US2.2m) yekushandisa muchirongwa chekudzivirira kupararira kwezvirwere muzvipfuyo munyika senzira yekuchengetedza zvipfuyo pamwe nehupfumi hwevanhu, zvikuruseyi vanogara kumaruwa.
Mumashoko avo pakuparurwa kwechirongwa ichi muHarare, chinonzi “Mitigating the Impact of Livestock Diseases in Zimbabwe,” mukuru anoona nezvekubatsirwa kwevanhu muUSAID muZimbabwe, Amai Mariaalice Ariens, vati chirongwa ichi chichabatsira mukuchengetedza zvipfuyo neraramo yevanhu mumatanhu gumi nerimwe munyika, uko kune zvirwere zvakawanda.
Vati chirongwa ichi chinouya apo zvipfuyo zvakawanda kunyanya kunyanya mombe dziri kufa nezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe, kana kuti Tickborne diseases, zvakaita se redwater, pamwe nezvimwe zvakaita se Foot and Mouth.
Amai Ariens vati, “Nekuda kweElnino tinotarisira kuti zvipfuyo zvakwanda zvichafa uyewo kuchave enzara kune vaya vanowana raramo yavo kubva pazvipfuyo." Vaenderera mberi vachiti, "Saka chirongwa ichi chinouuya panguva yakanaka chose kugadzirisa matambudziko aya.”
Vanotsangangura kuti zvimwe zvichaitwa pazvirongwa izvi kudzidzisa vanhu kuchengetedza zvipfuyo zvavo nekuzvipa mishonga, kugadziridza madhibha pamwe nekuchera zvibhorani kuitira kuwanisa mvura kuzvipfuyo nguva dzose.
Munyori mukuru mubazi rezvekurima, Muzvinafundo Obert Jiri, vati chirongwa ichi chakanaka nekuti chinotsigira zvimwe zvirongwa zviri kuitwa nehurumende kuvandudza mabasa ekuchengetedza zvipfuyo, zvakaita sePresidentail Silage Scheme ne Presidential Borehole Drilling Scheme.
Vatiwo nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze, uko kuchaunza nzara, vanhu vanofanira kutora matanho ekudzivira zvirwere pamwe nekuchera zvibhorani kuti zvipfuyo zvavo zvisafe nenzara. VaJiri vati, “Chembere dzekwedu dzaisunga mabhande gore renzara kureva kuti dzaigadzirira kuti pandanga ndichifanira kudya mukonde wesadza ndaakuderedza huwandu hwesadza. Kana uine mombe gumi neshanu, nzara ichuuya iwe usina chibhorani unotengesa mbiri wocheresa chibhorani.”
Mukuru weFAO kuchamhembe kweAfrica, VaPatrice Talla vati sangano ravo rinofara kushanda nehurumende yeZimbabwe pakubatsira kuti zvipfuyo munyika zvive nehutano hwakanaka.
Sachigaro vesangano revarimi vemombe dzenyama, reZimbabwe Beef producers Society, VaGeorge Chiwunda, vati vamwe vanhu vakatovhara matanga nekuda kwezvirwere uye chirongwa ichi chabatsira zvikuru. VaChiwunda vati, “Isu maonere edu ndeekuti chirongwa ichi chakanaka uye tinonoda kuti chivandudzwe kuti chiende kunzvimbo dzskawanda kudarika dzakataurwa idzi.”
Zvirwere zviri kunyanya kuuraya mombe munyika ndezvinoti, Babesiosis, Anaplamosis, Heartwater ne Theillariousis, iyo inozivikanwawo sekuti January disease.
Chirwere "chjanuary disease" chave kuwanikwa kumatunhu mapfumbamwe pamatunhu gumi munyika uye chauraya mombe dzinodarika zviuru mazana mashanu (500 000 kubva muna 2017 kusvika pari zvino.
Chirongwa chaparurwa nhasi chichaitwa kwegore rose kumatunhu anoti Chivi, Shurugwi, Chirumanzu, Mberengwa, Insiza, Umzingwane, Centenary, Mt Darwin, Rushinga neMudzi.
Zimbabwe ine mombe dzinodarika mamiriyoni mashanu nemazana mashanu ezviuru (5.5 million) uye mukuru mubazi rinoona nezvezvipfuyo mubazi rezvekurima, Doctor Pious Makaya, vati nyika yakarasikirwa nemukana wekutengesa nyama kuAmerica neEurope nekuda kwezvirwere zvemombe.
Nyika zhinji dzemuSADC dzakatarisana nedambudziko rezvirwere uye FAO inoti Namibia neBotswana chete ndidzo dzine mukana wekutengesa nyama kuAmerica neEurope nekuti dzakakwanisa kugadzirisa dambudziko rezvirwere zvezvipfuyo.
Your browser doesn’t support HTML5