Assange Otsika Madziro Pakuda Kuendeswa muAmerica Kunotongwa

Vatsigiri vaJulian Assange vachiratidzira kuti Assange asadzorerwa kuAmerica kunotongwa

Gakava guru pakati pehurumende yeAmerica nemagweta emutori wenhau akavamba sangano reWikileaks, rinofushunura nyaya dzekusora kunoitwa nehurumende dzeapasi rino, vaJulian Assange, rachanzvikwa mudare repamusoro, reHigh Court kuBritain, kutanga nhasi, Chipiri.

Assange ari kuramba kudzorerwa kuAmerica kunotongwa nemhosva yekubudisa pachena zvakavanda pakudyidzana kwe America nedzimwe nyika.

Kunzwikwa kwenyaya iyi kunoonekwa semukana wekupedzisira wekuti Assange amise kudzorerwa kwake kuAmerica kunotongwa ikoko.

Assange, uyo akazvarirwa kuAustralia, ave nemakore gumi nematatu ari mujeri muBritain achirwisa kuti asadzorerwa kuAmerica.

Vachuchusi veAmerica vanopomera Assange mhosva gumi nesere dzekubudiswa zvakavanda nekambani yake yeWikileaks, zvinosanganisa zvemauto uye hurukuro pakati pehurumende yeAmerica nevamiriri vayo kune dzimwe nyika.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paDevry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvakakosha kuti munhu anenge apara mhosva atongwe munyika yaakapara mhosva yacho kuitira kuti vanhu vasaona sekuti vanogona kupara mhosva kune imwe nyika vachizonopotera Kane imwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Muzvinafundo Elliot Masocha