VaGeingob Votarisirwa Kuradzikwa neMugovera

Amai Jill Biden nevaive mutungamiri weHage Geingob

Vari kutungamira nyika iyi parizvino VaNangolo Mbumba vakazivisa kuti VaGeingob vacharadzikwa musi weMugovera. Vatungamiri venyika dzemuAfrica makumi maviri nevanomwe vari kutarisirwa kuenda kurufu urwu.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vanoti vachatumira nhume kuNamibia kunoradzikwa kwemutungamiri wenyika iyi VaHage Geingob.

VaGeingob vakashaya musi wa4 Kukadzi mushure mekurwara nechirwere chegomarara. Vari kutungamira chikwata ichi ndiVaDeb Haaland mukuru mubazi rezvemukati menyika muhurumende yavo.

Vamwe vadomwa vanosanganisira mumiriri weAmerica kuNamibia VaRandy Berry, mukuru weUnited States Trade and Development VaEnoh Adiga uye chipangamazano chemutungamiri wenyika Amai Paula Tufro.